Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mateo 1 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Madziteteguru aJesu Kristu.
( Ruka 3:23–38 )

1 Mazita amadziteteguru aJesu Kristu, mŋanakomana waDavidi, mŋanakomana waAbrahama:

2 Abrahama wakaɓereka Isaka; Isaka akaɓereka Jakobo; Jakobo akaɓereka Juda naʋanuŋuna ʋake;

3 Juda akaɓereka Faresi naZara kumukadzi wake Tamari; Faresi akaɓereka Esromi; Esromi akaɓereka Arami;

4 Arami akaɓereka Aminadabi; Aminadabi akaɓereka Nasoni; Nasoni akaɓereka Saremoni;

5 Saremoni akaɓereka Boasi kumukadzi wake Rahabi; Boasi akaɓereka Obedi kumukadzi wake Rute; Obedi akaɓereka Jesi;

6 Jesi akaɓereka mambo Davidi. Davidi akaɓereka Soromoni kumukadzi waUria;

7 Soromoni akaɓereka Roboami; Roboami akaɓereka Abia; Abia akaɓereka Asafa;

8 Asafa akaɓereka Josafati; Josafati akaɓereka Joramu; Joramu akaɓereka Ozia;

9 Ozia akaɓereka Jotamu; Jotamu akaɓereka Ahazi; Ahazi akaɓereka Ezekia;

10 Ezekia akaɓereka Manase; Manase akaɓereka Amoni; Amoni akaɓereka Josia;

11 Josia akaɓereka Jekonia naʋanuŋuna ʋake neŋguʋa yokutapxa kwaʋo Babironi.

12 Shure kwokutapxa kwaʋo Babironi Jekonia akaɓereka Saratieri; Saratieri akaɓereka Zorobaberi;

13 Zorobaberi akaɓereka Abiudi; Abiudi akaɓereka Eriakimi; Eriakimi akaɓereka Azori;

14 Azori akaɓereka Sadoki; Sadoki akaɓereka Akimi; Akimi akaɓereka Eriudi;

15 Eriudi akaɓereka Ereazari; Ereazari akaɓereka Matani; Matani akaɓereka Jakobo;

16 Jakobo akaɓereka Josefa, murume waMaria, iye akaɓereka Jesu, unonzi Kristu.

17 Naiɀoɀo marudzi ose kubva kunaAbrahama kuȿikira kunaDavidi aiʋa marudzi anegumi namanna; kubva kunaDavidi kuȿikira pakutapxa Babironi marudzi anegumi namanna; kubva pakutapxa Babironi kuȿikira kunaJesu Kristu marudzi anegumi namanna.


Kuɓerekwa kwaJesu Kristu.

18 Kuɓerekwa kwaJesu Kristu kwaiʋa kuɗai: Maria, mai ʋake, wakati anyeŋgwa naJosefa, ʋasati ʋasoŋgana, wakaʋonekwa aʋa nemimba noMŋeya Mutȿene.

19 Ɀino Josefa, murume wake, ɀaakaŋga ari munhu wakarurama, asiŋgaɗi kumunyadzisa, wakafuŋga kumurega cinyararire.

20 Ɀino wakati acaraŋgarira iɀoɀo, tarira, mutumŋa waShe akaɀiratidza kwaari pakurota, akati: Josefa, mŋanakomana waDavidi, usatya kutora Maria, mukadzi wako; nokuti cakagamucidzwa mukati make ndecoMŋeya Mutȿene.

21 Iye ucaɀara mŋanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu; nokuti ndiye ucaponesa ʋanhu ʋake paɀiʋi ɀaʋo.

22 Iɀoɀo ɀose ɀakaitwa kuti ɀiitike ɀakarebga naShe, nomuromo womuprofita, aciti:

23 Tarira, mhandara icaʋa nemimba, icaɀara mŋanakomana, Ʋacamutumidza zita rinonzi Emanueri; ndokuti kana ɀicishandurwa: Mŋari unesu.

24 ino Josefa akamuka pahope dzake akaita seɀaakarairwa nomutumŋa waShe, akatora mukadzi wake;

25 akasamuziʋa kuȿikira aɀara mŋanakomana wake weɗaŋgwe, ndokumutumidza zita rinonzi Jesu.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies