Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mariko 1 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Johane Mubapatidzi.
( Mat 3:1–12 ; Ruka 3:1–20 ; Joh 1:6–8 , 19–38 )

1 Kutaŋga kweEvaŋgeri yaJesu Kristu, Mŋanakomana waMŋari.

2 Seɀaɀakanyorwa mumuprofita Isaya, ɀicinzi: Tarira, ndinotuma munyai waŋgu pamberi pako, Ucakunatsira nzira yako;

3 Inzwi rounoɗana murenje, Gadzirai nzira yaShe, Ruramisai migwagwa yake.

4 Johane wakaʋuya acibapatidza murenje, aciparidza rubapatidzo rwokutendeʋuka ʋakaŋganwirwe ɀiʋi.

5 Nyika yose yeJudea, naʋeJerusarema ʋose ʋakaɓuɗira kwaari, ʋakabapatidzwa naye murwizi rwaJoridani, ʋaciɀireʋurura ɀiʋi ɀaʋo.

6 Johane wakaŋga akapfeka ŋguʋo yamakushe ekamera, nebanhire reganda muciʋuno cake; waidya mhashu noʋuci bgesaŋgo.

7 Akaparidza, aciti: Shure kwaŋgu kunoʋuya mumŋe unesimba kupfuʋureni, wandisino‐kufanira kukotama kuti ndisunuŋgure rukanda rweshaŋgu dzake.

8 Ini ndakakubapatidzai nemvura, asi iye ucakubapatidzai noMŋeya Mutȿene.


Kubapatidzwa kwaJesu.
( Mat 3:13–17 ; Ruka 3:21 , 22 )

9 Namazuʋa iwayo Jesu wakabva Nazareta muGarirea, akabapatidzwa naJohane muJordani.

10 Pakarepo aciɓuɗa mumvura, akaʋona ɗeŋga ricizarurwa, noMŋeya uciɓurukira pamsoro pake senjiʋa;

11 inzwi rikabva kuɗeŋga, riciti: Ndiwe Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, ndinokufarira.


Kuidzwa kwaJesu.
( Mat 4:1–11 ; Ruka 4:1–13 )

12 Pakarepo Mŋeya wakamuɓuɗisira kurenje;

13 akaʋa murenje mazuʋa makumi manna, aciidzwa naSatani; wakaŋga ari kuɀikara, ʋatumŋa ʋakamushumira.


Jesu unoɗana ʋadzidzi ʋokutaŋga.
( Mat 4:12–22 ; Ruka 5:1–11 )

14 Johane wakati asuŋgwa, Jesu akaȿika Garirea, aciparidza Evaŋgeri yaMŋari,

15 aciti: Ŋguʋa yazad ziswa, ʋushe bgaMŋari bgasweɗera pedyo; tendeʋukai, mutende Evaŋgeri.

16 Wakati acifamba paguŋgwa re Garirea, akaʋona Simoni, naAndrea, m unuŋuna waSimoni, ʋacikandira ʋutaʋ muguŋgwa, nokuti ʋakaŋga ʋari ʋaɓati ʋehoʋe.

17 Jesu akati kwaʋari: Nditeʋerei, kuti ndikuitei ʋaɓati ʋaʋanhu.

18 Ʋakasiya ʋutaʋa bgaʋo pakarepo, ʋakamuteʋera.

19 Wakati apfuʋura ɀishoma, akaʋona Jakobo, mŋanakomana waZebedi, naJohane munuŋuna wake, ʋacigadzira ʋutaʋa mugwa.

20 Akaʋaɗana pakarepo, ʋakasiya ɓaɓa ʋaʋo Zebedi mugwa naʋaranda, ʋakamuteʋera.


Jesu unoporesa munhu waiʋa nomŋeya wakaipa paKapernaume.
( Ruka 4:31–37 )

21 Ʋakapinda Kapernaume; pakarepo nomusi wesaɓata akapinda musinagoge, akadzidzisa.

22 Ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti wakaʋadzidzisa somunhu unesimba, asiŋgaiti saʋanyori.

23 Ɀino musinagoge raʋo makaŋga munomunhu wakaŋga anomŋeya wetȿina, wakaɗanidzira,

24 aciti: Tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? maʋuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuziʋai kuti ndimi ani; muri Mutȿene waMŋari.

25 Ɀino Jesu akamuraira, akati: Nyarara, uɓuɗe kwaari!

26 Mŋeya wetȿina ukamubvundisa, ndokuɗanidzira nenzwi guru, ndokuɓuɗa kwaari.

27 Ʋakatya ɀikuru ʋose, nokuɗaro ʋakaita nyaya, ʋaciti: Cinyiko ici? Kudzidzisa kutȿa kunesimba! Unoraira kunyaŋge nemŋeya yetȿina ikamuterera.

28 Pakarepo mukurumbira wake ukanzwika panyika yose yakapoteredza yeGarirea.


Jesu unoporesa mai ʋomukadzi waPetro, naʋamŋe.
( Mat 8:14–17 ; Ruka 4:38–44 )

29 Pakarepo ʋakati ʋacibva musinagoge, ʋakapinda mumba maSimoni naAndrea, Jakobo naJohane ʋanaʋo.

30 Mai ʋomukadzi waSimoni ʋakaŋga ʋaʋete ʋacirwara nefiviri; pakarepo ʋakamuʋudza iɀoɀo.

31 Akaenda, akaʋaɓata noruʋoko, akaʋamutsa; fiviri ikaʋarega, ʋakaʋashandira.

32 Maɗekwana, zuʋa raʋira, ʋakaisa kwaari ʋose ʋakaŋga ʋacirwadziwa, naʋakaŋga ʋakaɓatwa nemŋeya yakaipa.

33 Guta rose rakaŋga raʋuŋgana pamukoʋa.

34 Akaporesa ʋazhinji ʋakaŋga ʋacirwadziwa namarudzi ehosha, akaɓuɗisa mŋeya yakaipa mizhinji; asi wakaŋga asiŋgatenderi mŋeya yakaipa kutaura, nokuti yakaŋga icimuziʋa.

35 Maŋgwanani kucinerima, wakamuka akaɓuɗa, akaenda kunɀimbo murenje, akandonyeŋgetera’po.

36 Simoni, naʋakaŋga ʋanaye, ʋakamuteʋera.

37 Ʋakamuwana, ʋakati kwaari: Ʋose ʋanokutȿakai.

38 Akati kwaʋari: Ŋgatiende kumŋe kumisha iri pedyo, kuti ndindoparidza ikoko ʋo, nokuti ndiɀo ɀandakaʋuyira.

39 Akaenda, akaparidza mumasinagoge aʋo paGarirea rose aciɓuɗisa mŋeya yakaipa.


Jesu unoporesa munhu unamaperembudzi.
( Mat 8:2–4 ; Ruka 5:12–14 )

40 Ɀino munhu unamaperembudzi akaʋuya kwaari, akakumbira ɀikuru kwaari, ndokufugama pamberi pake, akati kwaari: Kana muciɗa, munogona kundinatsa.

41 Akamunzwira ŋgoni, akatambanudza ruʋoko rwake, akamuɓata, akati kwaari: Ndinoɗa, cinatswa.

42 Pakarepo maperembudzi akabva kwaari, akanatswa.

43 Ɀino akamuraira kwaɀo, akamuendisa pakarepo.

44 Akati kwaari: Cenjera kuti urege kuʋudza munhu cinhu; asi enda uɀiratidze kumuprista, uɓayire pamsoro pokunatswa kwako ɀakarairwa naMosesi, ciʋe capupu kwaʋari.

45 Asi iye wakaɓuɗa, akataŋga kuɀiʋudza ʋanhu ʋazhinji, nokuparidzira shoko iro, nokuɗaro Jesu wakaŋga asiŋgagoni kupinda muguta pacena, asi wakaŋga ari kunze panɀimbo murenje; ʋakaʋuya kwaari ʋacibʋa kumatiʋi ose.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies