Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 9 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Davidi unoʋoŋga nokuti Jehova wakamurwira.
Kumutuŋgamiriri wokuimba; neMutrabeni. Pisarema raDavidi.

1 Ndicaʋoŋga Jehova nomŋoyo waŋgu wose; Ndicaparidza maɓasa enyu ose anoshamisa.

2 Ndicafara nokukufarirai ɀikuru; Ndicaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumsoro‐soro.

3 Kana ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋacidzokera shure, Ʋanogumburwa nokupera pamberi penyu.

4 Nokuti mandiruramisira mhoȿa yaŋgu; Makagara pacigaro coʋushe mucitoŋga nokururama.

5 Makatuka ʋahedeni, makaparadza ʋakaipa, Makadzima zita raʋo nokusiŋgaperi‐peri.

6 Ʋaʋeŋgi ʋakapera, ʋakaparadzwa nokusiŋgaperi; Makaparadza maguta aʋo, Neciyeʋudzo cawo cakaparara.

7 Asi Jehova ugere ari mambo nokusiŋgaperi; Wakagadzira cigaro cake coʋushe kuti atoŋge.

8 Ucatoŋga nyika nokururama, Ucatoŋga ʋanhu ɀakafanira.

9 Jehova ucaʋa nhare yakasimba kunaʋanomanikidzwa, Nhare yakasimba paŋguʋa yokutambudzika.

10 Ʋanoziʋa zita renyu ʋacaʋimba nemi; Nokuti imi Jehova hamuna‐kurasha ʋanokutȿakai.

11 Imbirai Jehova nziyo dzokumurumbidza, iye ugere paZioni; Ƌudzirai ɀaakaita pakati pendudzi dzaʋanhu.

12 Nokuti iye, unotsiʋa ropa, unoʋaraŋgarira; Haakaŋganwi kucema kwaʋarombo.

13 Ndinzwirei tsitsi, Jehova; Tarirai kumanikidzwa kwaŋgu naʋanondiʋeŋga, Imi munondisimudza pamisuʋo yorufu;

14 Kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu kwose; Pamisuʋo yomukunda weZioni, Ndicafarira kuponesa kwenyu.

15 Ʋahedeni ʋakanyura mugomba raʋakacera; Rutsoka rwaʋo rwakaɓatwa mumumbure, waʋakaʋanza.

16 Jehova wakaɀiziʋisa, wakatoŋga; Wakaipa wakateyiwa neɓasa ramaʋoko ake.

17 Wakaipa ucadzokera kuSheori, Iʋo ʋahedeni ʋose, ʋakakaŋganwa Mŋari.

18 Nokuti unoshaiwa haaŋgakaŋganikwi nokusiŋgaperi, Nokutarira kwomurombo hakuŋgaperi nokusiŋgaperi.

19 Simukai Jehova; munhu ŋgaarege kukunda; Ʋahedeni ŋgaʋatoŋgwe pamberi penyu.

20 Ciʋatyisai, Jehova; Ʋahedeni ŋgaʋaziʋe kuti ʋanoŋgoʋa ʋanhu.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies