Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 8 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Kukudzwa kwomunhu naJehova.
Kumutuŋgamiriri wokuimba; neGititi. Pisarema raDavidi.

1 Haiwa Jehova, Ishe weɗu, Zita renyu rakaiȿo‐naka sei panyika yose! Makaisa ʋumambo bgenyu kuɗeŋga.

2 Pamiromo yaʋacece naʋanomŋa makaisa simba, Nokuɗa kwaʋadziʋisi ʋenyu, Kuti munyaradze muʋeŋgi nomutsiʋi.

3 Kana ndicicerekedza ɗeŋga renyu rose, iro ɓasa reminwe yenyu, Mŋedzi nenyeredzi ɀamakaroŋgedza;

4 Munhu cinyiko, ɀamunomufuŋga? Nomŋanakomana womunhu ɀamunomushanyira?

5 Nokuti makamuita muɗuku ɀishoma kunaMŋari, Makamushoŋgedza korona yokubginya nokukudzwa.

6 Makamuɓatisa ʋushe bgamaɓasa amaʋoko enyu; Makaisa ɀose pasi petsoka dzake.

7 Makwai ose nenzombe, Nemhuka dzesaŋgo;

8 Neshiri dzokuɗeŋga, nehoʋe dzeguŋgwa, Iɀo ɀose ɀinofamba nenzira dzeguŋgwa.

9 Haiwa Jehova, Ishe weɗu, Zita renyu rakaiȿo‐naka sei panyika yose!

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies