Mapisarema 8 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Kukudzwa kwomunhu naJehova. Kumutuŋgamiriri wokuimba; neGititi. Pisarema raDavidi. 1 Haiwa Jehova, Ishe weɗu, Zita renyu rakaiȿo‐naka sei panyika yose! Makaisa ʋumambo bgenyu kuɗeŋga. 2 Pamiromo yaʋacece naʋanomŋa makaisa simba, Nokuɗa kwaʋadziʋisi ʋenyu, Kuti munyaradze muʋeŋgi nomutsiʋi. 3 Kana ndicicerekedza ɗeŋga renyu rose, iro ɓasa reminwe yenyu, Mŋedzi nenyeredzi ɀamakaroŋgedza; 4 Munhu cinyiko, ɀamunomufuŋga? Nomŋanakomana womunhu ɀamunomushanyira? 5 Nokuti makamuita muɗuku ɀishoma kunaMŋari, Makamushoŋgedza korona yokubginya nokukudzwa. 6 Makamuɓatisa ʋushe bgamaɓasa amaʋoko enyu; Makaisa ɀose pasi petsoka dzake. 7 Makwai ose nenzombe, Nemhuka dzesaŋgo; 8 Neshiri dzokuɗeŋga, nehoʋe dzeguŋgwa, Iɀo ɀose ɀinofamba nenzira dzeguŋgwa. 9 Haiwa Jehova, Ishe weɗu, Zita renyu rakaiȿo‐naka sei panyika yose! |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society