Mapisarema 7 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Davidi unokumbira kuti Jehova amururamisire. Rwiyo rwaDavidi rwaakaimbira Jehova nokuɗa kwamashoko aKushi, muBenjamini. 1 Jehova Mŋari waŋgu, ndinoʋimba nemi; Ndiponesei kunaʋose ʋanonditeʋerera, mundirwirei; 2 Kuti arege kubvambura mŋeya waŋgu seshumba, Aubvamburanye, ndicishaiwa unondirwira. 3 Jehova Mŋari waŋgu, kana ndiciŋge ndakaita iɀoɀi; Kana ɀakaipa ɀiri’mo mumaʋoko aŋgu; 4 Kana ndiciŋge ndakaitira ɀakaipa munhu waiʋa noʋukama neni; (Iɀo, ndakarwira waiʋa mudziʋisi waŋgu ndisinemhoȿa;) 5 Muʋeŋgi ŋgaateʋerere mŋeya waŋgu, auɓate; Ŋgaatsikire ʋupenyu bgaŋgu pasi, Aise kukudzwa kwaŋgu muguruʋa. 6 Simukai Jehova, pakutsamŋa kwenyu, Simukirai hasha dzaʋadziʋisi ʋaŋgu; Mumuke nokuɗa kwaŋgu; ndimi makaraira kuti ɀakarurama ɀiitwe. 7 Ʋuŋgano yendudzi dzaʋanhu ŋgaikupoteredzei; Mudzokere kumsoro pamsoro paʋo. 8 Jehova unotoŋga ndudzi dzaʋanhu; Nditoŋgei Jehova sokururama kwaŋgu, ʋuye neɀokwaɗi iri mandiri. 9 Haiwa, kuipa kwaʋakaipa ŋgakugume, asi simbisai wakarurama; Nokuti Mŋari, wakarurama, unoidza mŋoyo netȿo. 10 Nhoʋo yaŋgu iri kunaMŋari, Iye unoponesa ʋanemŋoyo yakarurama. 11 Mŋari mutoŋgi wakarurama, Ɀirokwaɀo, ndiMŋari unoȿotwa zuʋa rimŋe nerimŋe. 12 Kana munhu asiŋgatendeʋuki, iye ucarodza munondo wake; Wakakuŋga ʋuta bgake, akaʋugadzira. 13 Wakaɀigadzirira ʋo nhumbi dzokuʋuraya nadzo; Unoɀiitira miseʋe inopisa. 14 Tarira, unotambudzika pakuɓereka ɀakaipa; Ɀirokwaɀo, wakaʋa nemimba yeɀakashata, akaɓereka nhema. 15 Wakacera hunza, akaidzikisa, Akawira mugomba raakacera iye. 16 Ɀakashata ɀake ɀicadzokera pamusoro wake amene, Ʋuye kumanikidza kwake kucaʋuya pamsoro peɗehenya rake. 17 Ndicaʋoŋga Jehova nokuɗa kwokururama kwake; Ndicaimbira zita raJehova Wokumsoro‐soro. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society