Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 5 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Davidi unokumbira kuti afambiswe ɀakanaka pakati paʋaʋeŋgi ʋake.
Kumutuŋgamiriri wenziyo; nenyere. Pisarema raDavidi.

1 Inzwai mashoko aŋgu, Jehova, Raŋgarirai kufuŋga kwomŋoyo waŋgu.

2 Tererai inzwi rokucema kwaŋgu, imi Mambo waŋgu, naMŋari waŋgu; Nokuti ndinonyeŋgetera kwamuri.

3 Jehova, mucanzwa inzwi raŋgu maŋgwanani; Maŋgwanani ndicakuroŋgedzerai munyeŋgetero waŋgu, ndicirindira.

4 Nokuti hamuzi Mŋari unofarira ɀakaipa; Munhu, wakashata, haaŋgagari nemi.

5 Munhu, unoɀikudza, haaŋgamiri pamberi penyu; Munoʋeŋga ʋose ʋanoita ɀakaipa.

6 Mucaparadza ʋanoreʋa nhema; Jehova unosema munhu unoteʋura ropa nounonyeŋgera.

7 Asi kana ndirini, ndicapinda mumba menyu nokuwanda kwoʋunyoro bgenyu, Ndicanamata ndakariŋgira kutembere yenyu tȿene ndicikutyai.

8 Ndifambisei, Jehova, mukururama kwenyu nokuɗa kwaʋaʋeŋgi ʋaŋgu; Gadzirai nzira yenyu pamberi paŋgu.

9 Nokuti hapana‐kutendeka pamiromo yaʋo; Mukati maʋo makashata‐shata; Huro dzaʋo bgiro bgakashama; Ʋanoɓata kumeso norurimi rwaʋo.

10 Muʋapei mhoȿa, Jehova; Ŋgaʋawe namano aʋo; Muʋadziŋge nokuɗa kwokuwanda kwokuɗarika kwaʋo; Nokuti ʋakakumukirai.

11 Asi ʋose ʋanoʋimba nemi ŋgaʋafare, Ŋgaʋaɗanidzire nomufaro ŋguʋa dzose, nokuti imi munoʋadzitira; Ʋose ʋanoɗa zita renyu ŋgaʋafare nemi.

12 Nokuti mucaropafadza wakarurama; Imi Jehova, mucamukomberedza nenyasha senhoʋo.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies