Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 4 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mufaro norugare ɀiri kunaJehova.
Kumutuŋgamiriri wenziyo; nemiteŋgeranwa. Pisarema raDavidi.

1 Ndipindurei kana ndiciɗana, Mŋari wokururama kwaŋgu; Pakumanikidzwa kwaŋgu makandiisa pakafarikana; Ndinzwirei tsitsi, munzwe munyeŋgetero waŋgu.

2 Nhai ʋanakomana ʋaʋanhu, kukudzwa kwaŋgu kucashandurwa kunyadziswa kuȿikira riniko? Mucaɗa ɀisinamaturo, nokutȿaka nhema kuȿikira rini?

3 Asi ziʋai kuti Jehova wakaɀitsaurira munhu unomuɗa: Jehova ucanzwa kana ndiciɗana kwaari.

4 Ityai, murege kutadza; Tauriranai nemŋoyo yenyu panhoʋo dzenyu, muti ŋwii.

5 Ƃayirai ɀiɓayiro ɀokururama, Muʋimbe naJehova.

6 Ʋazhinji ʋari’ko ʋanoti: Ndianiko ucatiratidza ɀakanaka? Jehova, simudzirai pamsoro peɗu ciedza ceciso cenyu.

7 Makaisa mufaro mumŋoyo maŋgu, Unopfuʋura waʋanhu kana ɀiyo ɀaʋo newaini yaʋo ɀawanzwa.

8 Ndicaʋata pasi norugare, ndiɓatwe nehope; Nokuti ndimi moga Jehova munondigarisa pakasimba.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies