Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 20 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Munyeŋgetero kuti mambo akunde.
Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raDavidi.

1 Jehova ŋgaakupindure nomusi wokutambudzika; Zita raMŋari waJakobo ŋgarikuise pakakwirira;

2 Ŋgaakutumire ruɓatsiro runobva panɀimbo tȿene, Akutsigire nesimba rinobva Zioni.

3 Ŋgaaraŋgarire ɀipiriso ɀako ɀose, Agamucire ɀiɓayiro ɀako ɀinopiswa;

4 Ŋgaakupe ɀinoɗikanwa nomŋoyo wako, Ŋgaaite seɀawakafuŋga.

5 Ticafara kwaɀo nokukunda kwenyu, Ticasimudza mireza yeɗu nezita raMŋari weɗu; Jehova ŋgaaite ɀose ɀawakakumbira.

6 Ɀino ndinoziʋa kuti Jehova unoponesa muzodziwa wake; Ucamupindura ari kuɗeŋga kwake kutȿene Nesimba roruʋoko rwake rworudyi, rinoponesa.

7 Ʋamŋe ʋanoʋimba neŋgoro, ʋamŋe namabiza; Asi isu ticareʋa zita raJehova Mŋari weɗu.

8 Iʋo ʋakotamiswa, ʋawira pasi; Asi isu tasimuka, timire ɀakanaka.

9 Ponesai, Jehova; Mambo ŋgaatipindure kana ticiɗana.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies