Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 2 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Kukunda kwoʋushe bgaMesiasi.

1 Ndudzi dzinoitireiko ɓope, Naʋanhu ʋanofuŋgireiko ɀisinamaturo?

2 Madzimambo enyika anoɀigadzira, Naʋaɓati ʋanoraŋgana, Kuzorwa naJehova nomuzodziwa wake, ʋaciti:

3 Ŋgatiɗambure ɀisuŋgo ɀaʋo, Ŋgatirashe maɓote aʋo abve kwatiri.

4 Iye, ugere kuɗeŋga‐ɗeŋga, ucaseka; Ishe ucaʋaɗaɗira.

5 Ipapo ucataura kwaʋari pakutsamŋa kwake, Nokuʋavundusa pahasha dzake huru;

6 Kunyaŋge ɀakaɗaro ini ndakagadza mambo waŋgu PaZioni, iro gomo raŋgu dɀene.

7 Ndicaparidza cireʋo, cinoti: Jehova wakati kwandiri: Ndiwe mŋanakomana waŋgu; Nhasi ndakakuɓereka.

8 Kumbira kwandiri, ndikupe ndudzi iʋe nhaka yako, Nemigumo yenyika ɀiʋe ɀako.

9 Mucaʋapxanya netȿimbo yoʋutare; Mucaʋaputsanya sehari yomuʋumbi.

10 Ɀino ciʋai nenjere, imi madzimambo; Munyeʋerwe, imi ʋatoŋgi ʋenyika.

11 Shumirai Jehova nokutya, Mufare muciɗeɗera.

12 Ȿetai mŋanakomana, arege kutsamŋa, mufire panzira, Nokuti hasha dzake dziŋgakurumidza kumuka. Ʋakakomborerwa ʋose ʋanoʋimba naye.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies