Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 19 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Ʋukuru bgaJehova ʋunoʋonekwa paɀisikwa ɀake nomurairo wake.
Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raDavidi.

1 Kuɗeŋga‐ɗeŋga kunoparidzira kubginya kwaMŋari; Ʋuye ɗeŋga rinoratidza ɓasa ramaʋoko ake.

2 Musi mumŋe unotaurira mumŋe musi, Ʋuye ʋusiku ʋumŋe ʋunopupurira ʋumŋe ʋusiku njere.

3 Hapana‐kutaura, kana mashoko; Inzwi raɀo harinzwiki.

4 Rwonzi rwokuyera rwaɀo rwakaȿika kunyika yose, Namashoko aɀo kumugumo wenyika. Wakagadzirira zuʋa tente mukati maɀo.

5 Iro rakafanana necikomba cinoɓuɗa mumba maco, Rinofara semhare kumhanya nenzira yaro.

6 Kuɓuɗa kwaro kunobva pamugumo weɗeŋga, Kupota kwaro kunoȿika pakuguma kwaro ɀe; Hakune‐cinhu cakaʋanzirwa kupisa kwaro.

7 Murairo waJehova wakakwana, unoponesa mŋeya; Cipupuriro caJehova ndecaɀokwaɗi, cinopa ʋasinamano njere.

8 Ɀinorairwa naJehova ɀakarurama, ɀinofadza mŋoyo; Murau waJehova wakaiȿo‐naka, unovenekera meso.

9 Kutya Jehova kwakanaka, kunogara nokusiŋgaperi; Ɀakatoŋgwa naJehova ndeɀaɀokwaɗi, ɀakarurama kwaɀo.

10 Ɀinofanira kutȿakwa kukunda ndarama, ɀirokwaɀo kukunda ndarama zhinji yakaiȿo‐naka; Ɀinotapira ʋo kupfuʋura ʋuci nomuȿi wamaziŋga oʋuci.

11 Ʋuye ɀe, muranda wenyu unonyeʋerwa naɀo; Pakuɀiceŋgeta panomuɓairo mukuru. Kana kuri kutsauka, ndiani uŋgakuziʋa?

12 Ndianiko uŋgaziʋa ɀitadzo? Ndinatsei imi paɀitadzo ɀakaʋanzika.

13 Dzorai ʋo muranda wenyu paɀiʋi ɀokuɀikudza; Ŋgaɀirege kuʋa nesimba pamsoro paŋgu; ipapo ndicaʋa wakakwana, Handiŋgaʋi nemhoȿa yokuɗarika kukuru.

14 Mashoko omuromo waŋgu nokuraŋgarira kwomŋoyo waŋgu ŋgaɀifadze pamberi penyu, Imi Jehova, ɗombo raŋgu, nomudzikinuri waŋgu.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies