Mapisarema 18 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Davidi unoʋonga Jehova nokuti wakamurwira. Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raDavidi, muranda waJehova, wakataura kunaJehova mashoko orwiyo urwu paŋguʋa yaakarwirwa naJehova pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋake ʋose, napamaʋoko aSauro. Akati: 1 Ndinokuɗisai, Jehova, simba raŋgu. 2 Jehova iɗombo raŋgu, nenhare yaŋgu, nomurwiri waŋgu; Mŋari waŋgu, ɗombo raŋgu, wandicaʋimba naye; Nhoʋo yaŋgu, norunyaŋga rwokuponeswa kwaŋgu, shoŋgwe yaŋgu yakakwirira. 3 Ndicaɗana kunaJehova, iye unofanirwa nokurumbidzwa; Naiɀoɀo ndicaponeswa kunaʋaʋeŋgi ʋaŋgu. 4 Maɓote orufu akandikomba; Ʋuye nzizi dzeɀakaipa dzakandivundusa. 5 Maɓote eSheori akandisuŋga; Misuŋgo yorufu yakandiwira. 6 Pakutambudzika kwaŋgu ndakaɗana kunaJehova, Ndikaɗana kunaMŋari waŋgu; Akanzwa inzwi raŋgu ari mutembere yake; Kucema kwaŋgu pamberi pake kukaȿika munzeʋe dzake. 7 Ipapo nyika yakazunuŋguka, ikaɗeɗera; Nheyo dzamakomo ʋo dzakaɗeŋgenyeka, Dzikazunuŋguswa, nokuti wakaŋga akatsamŋa. 8 Ʋutsi bgakakwira ʋucibva mumhino dzake, Ʋuye mŋoto wakaɓuɗa mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akaɓatidzwa nawo. 9 Wakakotamisa kuɗeŋga‐ɗeŋga ʋo, akaɓuruka; Nerima guru rakaŋga riri pasi petsoka dzake. 10 Wakataȿa kerubi, akabururuka; Ɀirokwaɀo, wakabururuka pamapapiro emhepo. 11 Rima wakariita nɀimbo yake yokuʋanda, tente rake rakamupoteredza; Kuȿiɓa kwemvura zhinji, namakore matema okuɗeŋga. 12 Nokupenya kwakaŋga kuri pamberi pake makore ake matema akapfuʋura, Necimvuramabge namazimbe omŋoto. 13 Jehova wakatinhira ʋo kuɗeŋga‐ɗeŋga, Wokumsoro‐soro wakataura nenzwi rake; Cimvuramabge namazimbe omŋoto. 14 Wakatuma miseʋe yake, akaʋaparadza; Ɀirokwaɀo, nemheni zhinji, akaʋavundusa. 15 Ipapo migero yemvura zhinji yakaʋonekwa, Ʋuye nheyo dzenyika dzakafukurwa, Nokutuka kwenyu, Jehova, Nokufema kwomŋeya wemhino dzenyu. 16 Wakatambunudza ruʋoko rwake ari kumsoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji. 17 Wakandirwira pamuʋeŋgi waŋgu unesimba, Nokunaʋanondiʋeŋga, nokuti ʋakaŋga ʋondikurira. 18 Ʋakandiʋiŋga nezuʋa renjodzi yaŋgu, Asi Jehova wakaŋga ari mutsigiri waŋgu. 19 Wakandiɓuɗisira kunɀimbo yakafarikana, Akandirwira, nokuti wakaŋga acindifarira. 20 Jehova wakandiitira ɀakaenzana nokururama kwaŋgu, Akandipa muɓairo wakaenzana nokucena kwamaʋoko aŋgu. 21 Nokuti ndakaceŋgeta nzira dzaJehova, Handina‐kubva kunaMŋari waŋgu nokunyeŋgera. 22 Nokuti ɀose ɀaakatoŋga ɀakaŋga ɀiri pamberi paŋgu, Handina‐kusundira kure neni ɀaakatema. 23 Ndakaŋga ndakarurama ʋo kwaari, Ndakaɀiceŋgeta ini paɀakaipa ɀaŋgu. 24 Naiɀoɀo Jehova wakandiitira ɀakaenzana nokururama kwaŋgu, Ɀakaenzana nokucena kwamaʋoko aŋgu pamberi pake. 25 Uneŋgoni munomuitira ʋo neŋgoni, Nomunhu wakarurama kwaɀo, munomuitira ʋo ɀakarurama; 26 Wakanaka munomuitira ʋo ɀakanaka, Nowakatsauka, munomuitira ʋo nehasha. 27 Nokuti mucaponesa ʋanhu ʋanotambudzika; Asi mucaɗeredza meso aʋanoɀikudza. 28 Nokuti imi mucatuŋgidza mŋenje waŋgu; Jehova Mŋari waŋgu ucavenekera rima raŋgu. 29 Nokuti nemi ndicaʋamba hondo, Kana ndinaMŋari waŋgu ndicaɗarika ruȿiŋgo. 30 Kana ari Mŋari, nzira yake yakakwana kwaɀo; Shoko raJehova rakaidzwa; Ndiye nhoʋo yaʋose ʋanoʋimba naye. 31 Nokuti ndianiko Mŋari, asi iye Jehova? Ndianiko ɗombo, asi iye Mŋari weɗu? 32 Iye Mŋari, unondisuŋga ciʋuno nesimba, Unokwanisa nzira yaŋgu. 33 Unoita tsoka dzaŋgu dziʋe setsoka dzenondokadzi, Unondiisa pamatunhu aŋgu akakwirira. 34 Unodzidzisa maʋoko aŋgu kurwa; Naiɀoɀo maʋoko aŋgu anowembura ʋuta bgendarira. 35 Makandipa ʋo nhoʋo yokuponesa kwenyu; Ruʋoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, Ʋuye ʋunyoro bgenyu bgakandiita mukuru. 36 Makandiitira nɀimbo yakafarikana pandiŋgatsika; Ʋuye tsoka dzaŋgu hadzina‐kutedzemuka. 37 Ndicateʋerera ʋaʋeŋgi ʋaŋgu nokuʋaɓata, Handiŋgadzoki ɀe kuȿikira ʋapedzwa. 38 Ndicaʋaɓaya, ʋakoniwe kusimuka; Ʋacawira pasi petsoka dzaŋgu. 39 Nokuti makandisuŋga ciʋuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa ʋaindimukira. 40 Makatizisa ʋaʋeŋgi ʋaŋgu, Kuti ndiparadze ʋanondiʋeŋga. 41 Ʋakacema, asi kwakaŋga kusinaunoponesa, KunaJehova, asi haana‐kuʋapindura. 42 Ipapo ndakaʋapxanya‐pxanya seguruʋa pamberi pemhepo; Ndakaʋarashira kure samatope enzira dzomumusha. 43 Makandirwira pakukakaʋadzana kwaʋanhu; Makandiita mukuru wendudzi; Ʋanhu ʋandakaŋga ndisiŋgaziʋi, ʋacandishumira. 44 Ʋacaterera pakarepo kana ʋacindinzwa, Ʋatorwa ʋacanamata kwandiri. 45 Ʋatorwa ʋacatorerwa simba, Ʋacaɓuɗa paʋaiʋanda ʋaciɗeɗera. 46 Jehova mupenyu; ɗombo raŋgu ŋgarikudzwe; Mŋari wokuponeswa kwaŋgu ŋgaarumbidzwe. 47 Ndiye Mŋari unonditsiʋira, Unondikundisa ndudzi dzaʋanhu. 48 Iye unondirwira kuʋaʋeŋgi ʋaŋgu; Ɀirokwaɀo, munondisimudzira kumsoro kwaʋanondimukira. Munondirwira pamunhu unomanikidza. 49 Naiɀoɀo ndicakuʋoŋgai Jehova, pakati pendudzi, Ndicaimbira zita renyu nziyo dzokukudza. 50 Unopa mambo wake kuponeswa kukuru; Unoitira muzodzwa wake ʋunyoro, Iye Davidi nomŋana wake nokusiŋgaperi. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society