Mapisarema 17 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Davidi unocema kuti arwirwe kuʋaʋeŋgi ʋake. Munyeŋgetero waDavidi. 1 Inzwai ɀakarurama Jehova, muterere kucema kwaŋgu; Rerekerai nzeʋe dzenyu kumunyeŋgetero waŋgu, unobva pamiromo isiŋganyeŋgeri. 2 Kutoŋgwa kwaŋgu ŋgakubve pamberi penyu; Meso enyu ŋgaatarire ɀakarurama. 3 Makaidza mŋoyo waŋgu; makandishanyira ʋusiku; Makandiidza, mukasawana kufuŋga kwakaipa mandiri; Ndakaɀisuŋga kuti muromo waŋgu urege kuɗarika. 4 Kana ari maɓasa aʋanhu, neshoko remiromo yenyu Ini ndakanɀeŋga nzira dzomuparadzi. 5 Kutsika kwaŋgu kwakarambira panzira dzenyu, Tsoka dzaŋgu hadzina‐kutedzemuka. 6 Ini ndakaɗana kwamuri, nokuti mucandipindura, imi Mŋari; Rerekerai nzeʋe dzenyu kwandiri, munzwe kutaura kwaŋgu. 7 Ratidzai ʋunyoro bgenyu ʋunoshamisa, imi, munoponesa ʋanoʋimba nemi, Imi munoponesa noruʋoko rwenyu rworudyi, aʋa ʋanoʋimba nemi Kunaʋanoʋamukira simba. 8 Ndiceŋgetei semboni yeziso renyu, Ndiʋanzei pasi pomumvuri wamapapiro enyu, 9 Kunaʋakaipa, ʋanondiparadza, Iʋo ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋakaipa, ʋanondikomba. 10 Ʋakadziʋira mŋoyo yaʋo; Ʋanotaura ʋaciɀikudza nemiromo yaʋo. 11 Ʋakatikomba ɀino pakufamba kweɗu; Ʋanocerekedza nameso aʋo kuti ʋatiwisire pasi. 12 Wakafanana neshumba inokarira kuparadza, Uneŋge somŋana weshumba inoʋandira panɀimbo dzakaʋanda. 13 Simukai, Jehova, Mirai pamberi pake, mumuwisire pasi; Rwirai mŋeya waŋgu nomunondo wenyu kunaʋakaipa; 14 Kuʋanhu, noruʋoko rwenyu imi Jehova, Kuʋanhu ʋenyika, ʋanomugoʋe waʋo paʋupenyu ubgu, Ʋamunozadza ɗumbu raʋo nefuma yenyu; Ʋanaʋana ʋazhinji, Ʋanosiyira ʋacece ʋaʋo ɀakasara ɀefuma yaʋo. 15 Ini ndicaʋona ciso cenyu pakururama; Ndicaguta nomufananidzo wenyu pakumuka kwaŋgu. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society