Mapisarema 16 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Ruɗo rwaDavidi kunaJehova. Rwiyo Miktami rwaDavidi. 1 Ndiceŋgetei, Mŋari; nokuti ndinoʋimba nemi. 2 Ndakati kunaJehova: Ndimi Ishe waŋgu; Kunze kwenyu handinecinhu cakanaka. 3 Kana ʋari ʋatȿene, ʋari panyika, Ndiʋo ʋakaiȿo‐naka ʋandinofarira ɀikuru. 4 Kucema kucawanzwa kwaʋanoʋigira mumŋe mŋari ɀipo; Ɀipiriso ɀaʋo ɀinoɗururwa ɀeropa handiŋgaɀiɗururi, Namazita aʋo handiŋgaareʋi nemiromo yaŋgu. 5 Jehova ndiye mugoʋe wenhaka yaŋgu nowomukombe waŋgu; Munoceŋgeta mugoʋe waŋgu. 6 Rwonzi rwokuyera rwakandiyerera nɀimbo dzakanaka; Ɀirokwaɀo, nhaka yaŋgu yakaiȿo‐naka. 7 Ndicarumbidza Jehova wakandipa mano, Ɀirokwaɀo, itȿo dzaŋgu dzinondidzidzisa paŋguʋa dzoʋusiku. 8 Ndakaisa Jehova pamberi paŋgu ŋguʋa dzose; Ɀaari kurudyi rwaŋgu, handiŋgazunuŋguswi. 9 Naiɀoɀo mŋoyo waŋgu unofara, kukudzwa kwaŋgu kunofarisisa; Nyama yaŋgu ʋo icagara yakaceŋgetwa. 10 Nokuti hamuŋgasiyi mŋeya waŋgu muSheori; Hamuŋgatenderi mutȿene wenyu kuti aʋone kuʋora. 11 Mucandiratidza nzira yoʋupenyu; Mufaro wakazara uri pamberi paŋgu; Paruʋoko rwenyu rworudyi paneɀinofadza nokusiŋgaperi. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society