Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 14 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Ʋanhu ʋose ʋakashata.
Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raDavidi.

1 Ƃenzi rakati mumŋoyo maro: Mŋari haako. Ʋakaʋora, ʋakaɓata maɓasa anonyaŋgadza; Hapana‐unoita ɀakanaka.

2 Jehova ari kuɗeŋga, wakatarira pasi kuʋana va ʋanhu, Kuti aʋone kana wakacenjera ari’po, Unotȿaka Mŋari.

3 Ʋakatsauka ʋose, ʋakaȿiɓiswa pamŋe cete; Hapana‐unoita ɀakanaka, kunyaŋge nomumŋe.

4 Ko ʋaiti ʋose ʋeɀakaipa haʋaneziʋo here? Iʋo ʋanodya ʋanhu ʋaŋgu seɀaʋanodya ciŋgwa, Ʋasiŋgaɗani kunaJehova.

5 Ʋakaŋga ʋacitya ɀikuru ipapo; Nokuti Mŋari unogara parudzi rwaʋakarurama.

6 Munonyadzisa zano romurombo, Asi Jehova ndiye ʋutiziro bgake.

7 Ƌayi kuponeswa kwaIsraeri kwaibva paZioni! Kana Jehova acidzosa ʋanhu ʋake pakutapxa, Ipapo Jakobo ucafarisisa kwaɀo, naIsraeri ucafara.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies