Mapisarema 12 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Davidi unotȿaka kuɓatsirwa naMŋari, nokuti ʋanhu ʋanyeŋgeri. Kumutuŋgamiriri wokuimba; namanzwi aʋarume. Pisarema raDavidi. 1 Ƃatsirai, Jehova; nokuti ʋanoɗa Mŋari ʋopera; Nokuti ʋakatendeka haʋaci’po pakati paʋana ʋaʋanhu. 2 Ʋanotaura mumŋe nomumŋe ɀisinamaturo nowokwake; Ʋanotaura nomuromo unoɓata kumeso, ʋuye nemŋoyo miʋiri. 3 Jehova ucagura miromo yose inoɓata kumeso, Norurimi runotaura ɀinhu ɀikuru; 4 Iʋo ʋakati: Ticakunda norurimi rweɗu; Miromo yeɗu ndeyeɗu pamakanda; ndianiko uŋgaʋa ishe weɗu? 5 Nokuɗa kwokumanikidzwa kwaʋarombo, nokugomera kwaʋanoshaiwa, Ndicamuka ɀino nokuɗa kwaiɀoɀo: ndiɀo ɀinotaura Jehova; Ndicamuisa pakasimba ipo paanoshuʋa. 6 Mashoko aJehova mashoko akacena; Sesirveri yakaidzwa muɓisiro panyika, Yakanatswa kanomŋe. 7 Mucaʋaceŋgeta, Jehova, Mucaʋaceŋgeta parudzi urwu nokusiŋgaperi. 8 Ʋakaipa ʋanofamba pamatiʋi ose, Kana ɀakashata ɀicikudzwa pakati paʋanakomana ʋaʋanhu. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society