Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 10 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Wakaipa unoɀikudza pamberi paMŋari, asi Jehova ndiye murwiri.

1 Munomirireiko kure, Jehova? Munoɀiʋanzireiko paŋguʋa dzokutambudzika?

2 Pakuɀikudza kwake wakaipa unotambudza murombo ɀikuru; Ŋgaʋaɓatwe namano aʋakafuŋga.

3 Nokuti wakaipa unoɀirumbidza pamsoro peɀinoɗa mŋoyo wake, Unoruciʋa unoramba Jehova nokumuɀidza.

4 Nokuɀikudza kweciso cake, wakaipa unoti: Haaŋgabvunzi. Ndaŋgariro dzake dzose dzinoti: HakunaMŋari.

5 Nzira dzake dzakasimba ŋguʋa dzose; Ɀamunotoŋga imi ɀiri kure kumsoro, haaɀiʋoni; Kana ʋari ʋadziʋisi ʋake ʋose, unoʋashoʋora.

6 Unoti mumŋoyo make: Handiŋgazunuŋguswi; Handiŋgaʋi panhamo kuȿikira kumarudzi aŋgu ose.

7 Muromo wake uzere nokutuka nokunyeŋgera nokumanikidza; Ɀakashata neɀakaipa ɀiri pasi porurimi rwake.

8 Unogara panɀimbo dzokuʋanda dzemisha; Pakaʋanda ndi’po paanoʋuraya usinemhoȿa; Meso ake anoʋandira usina‐wokumuɓatsira.

9 Unoʋandira pakaʋanda seshumba panɀimba yayo; Unoʋanda kuti aɓate murombo; Unoɓata murombo, kana acimukakatira mumumbure wake.

10 Unonyaŋgira, unokotama pasi, Ʋasinomuɓatsiri ʋanowiswa nesimba rake.

11 Unoti mumŋoyo make: Mŋari wakaŋganwa; Unoʋanza ciso cake, haaŋgatoŋgoɀiʋoni.

12 Simukai Jehova; Mŋari simudzai ruʋoko rwenyu; Regai kukaŋganwa ʋarombo.

13 Wakaipa unoɀidzireiko Mŋari, Aciti mumŋoyo wake: Haaŋgabvunzi?

14 Maɀiʋona henyu; nokuti munoʋona kutambudzika nokucema, kuti muɀiɓate muruʋoko rwenyu; Usinomuɓatsiri unoɀiisa kwamuri; Makaʋa muɓatsiri wenherera.

15 Vunai ruʋoko rwowakaipa. Kana ari munhu wakashata, nɀerai ɀakaipa ɀake, kuȿikira musiŋgazoɀiwani.

16 Jehova ndiye Mambo nokusiŋgaperi‐peri; Ʋahedeni ʋakaparadzwa munyika yake.

17 Jehova, makanzwa ɀinoɗikanwa naʋanyoro; Mucasimbisa mŋoyo yaʋo, mucarerekera nzeʋe yenyu;

18 Kuti mutoŋgere nherera nounotambudzwa, Kuti munhu wapanyika arege kuramba acivundusa.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies