Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 1 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


BUKU I Kufara kwaʋanoɗa Mŋari, nokusafara kwaʋasiŋgaɗi Mŋari.

1 Wakakomborerwa munhu usiŋgafambi panoraŋgana ʋakaipa, Usiŋgamiri panzira yaʋatadzi, Usiŋgagari panogara ʋaɗaɗi.

2 Asi unofarira murairo waJehova; Unofuŋgisisa murairo wake masikati noʋusiku.

3 Ucafanana nomuti wakasimŋa pahoʋa dzemvura, Unoɓereka micero yawo neŋguʋa yawo, Mashizha awo haaȿaʋi; Cinhu cipi necipi caanoita cicaendika.

4 Ʋakaipa haʋana‐kuɗaro; Asi ʋakafanana nehundi inopepereswa nemhepo.

5 Naiɀoɀo ʋakaipa haʋaŋgamiri pakutoŋgeswa, Naʋatadzi paʋuŋgano yaʋakarurama.

6 Nokuti Jehova unoziʋa nzira yaʋakarurama; Asi nzira yaʋakaipa icaparadzwa.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies