Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mabasa 1 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Kukwira kwaJesu kuɗeŋga.
( Mat 28:19 , 20 ; Mar 16:15–20 ; Ruka 24:50–53 )

1 Teofiro, ndakanyora rugwaro rwokutaŋga rweɀose ɀakataŋga kuitwa nokudzidziswa naJesu,

2 kuȿikira zuʋa raakakwidzwa, amboraira noMŋeya Mutȿene ʋaapostora ʋaakaŋga asanaŋgura;

3 ʋaakaɀiratidza ʋo kwaʋari neɀiratidzo ɀizhinji, ari mupenyu, shure kwokutambudzika kwake, aciʋonekwa naʋo mazuʋa anamakumi manna, acitaura ɀinhu ɀoʋushe bgaMŋari;

4 akaʋaraira, aʋuŋgana naʋo, kuti ʋarege kubva Jerusarema, asi ʋagarire cipikirwa caƂaɓa, aciti, ciya camakanzwa kwandiri;

5 nokuti Johane, ɀirokwaɀo, wakabapatidza nemvura; asi imi mucabapatidzwa noMŋeya Musente, mazuʋa mazhinji asati apera.

6 Ɀino iʋo, ʋakati ʋaʋuŋgana, ʋakamubvunza, ʋaciti: Ishe, modzosera ʋushe kunaʋaIsraeri neŋguʋa ino here?

7 Akati kwaʋari: Haɀina‐kufanira kuti muziʋe ŋguʋa kana misi yakatarwa naƂaɓa ʋamene nesimba raʋo.

8 Asi mucapiwa simba, kana Mŋeya Mutȿene waʋuya pamsoro penyu; ipapo mucaʋa ɀapupu ɀaŋgu paJerusarema, napaJudea rose, napaSamaria, nokuȿikira kumugumo wenyika.

9 Ɀino wakati areʋa iɀoɀi, akakwidzwa, ʋacitaririra; gore rikamubvisa, ʋakasazomuʋona.

10 Ɀino ʋacitarisisa kuɗeŋga, iye acikwira, tarira, ʋarume ʋaʋiri ʋamira naʋo ʋakafuka ŋguʋo cena;

11 iʋo ʋakati: Imi ʋarume ʋeGarirea, makamirireiko makatarira kuɗeŋga? Uyu Jesu, wakabʋa kwamuri, akakwidzwa kuɗeŋga, ucaʋuya saiɀoɀo, seɀamamuʋona acienda kuɗeŋga.


Ʋadzidzi ʋanogarira Mŋeya.

12 Ɀino ʋakadzokera Jerusarema, ʋacibva pagomo rinonzi reMiorivi, riri pedyo neJerusarema, nhambo yorwendo rwesaɓata.

13 Ʋakati ʋapinda, ʋakakwira muimba yaiʋa pamsoro, paʋakaŋga ʋagere, ʋaiti: Petro, naJohane, naJakobo, naAndrea, naFiripo, naTomasi, naBartoromeo, naMateo, naJakobo, mŋanakomana waArfeo, naSimoni Zeroti, naJudasi, mŋanakomana waJakobo.

14 Aʋa ʋose ʋakatsuŋgirira nomŋoyo mumŋe pakunyeŋgetera, ʋanaʋakadzi, naMaria, mai ʋaJesu, naʋanuŋuna ʋake.


Ʋanosanaŋgura Matia panɀimbo yaJudasi.

15 Namazuʋa iwayo Petro wakasimuka pakati pehama, (ʋanhu ʋazhinji ʋaiʋa’po pamŋe cete, ʋaneŋge zana namakumi maʋiri), akati:

16 Ʋarume, hama, rugwaro rwakafanira kuitika, rwakaprofitwa noMŋeya Mutȿene nomuromo waDavidi, pamsoro paJudasi, wakaŋga ari muperekedzi waʋaya ʋakaɓata Jesu.

17 Nokuti wakaŋga aʋereŋgwa pamŋe cete nesu, akapiwa mugoʋe wake paɓasa iri.

18 (Ɀino munhu uyu wakateŋga munda nomuɓairo weɀisakarurama, akawira pasi neciso, akaparuka napakati, ʋura bgake bgukaɓuɗa bgose.

19 Ɀikanzwika naʋose ʋaigara Jerusarema; naiɀoɀo munda uyu ukatumidzwa Akerdama norurimi rwaʋo, ndokuti: Munda weropa.)

20 Nokuti mubuku yaMapisarema makanyorwa, ɀicinzi: Musha wake ŋgauitwe ɗoŋgo, Kurege kuʋa nomunhu unogara’mo; ʋuye: Mumŋe ŋgaapinde paʋutariri bgake.

21 Ɀino pakati paʋarume ʋaiʋuŋgana nesu ŋguʋa yose, Ishe Jesu yaakapinda nokuɓuɗa nayo pakati peɗu,

22 kutaŋga pakubapatidza kwaJohane, kuȿikira pazuʋa raakabʋa kwatiri, acikwidzwa, mumŋe waʋo unofanira kuʋa capupu cokumuka kwake pamŋe cete nesu.

23 Ɀino ʋakaisa’po ʋaʋiri, ʋaiti: Josefa, wainzi Barsaba, wakatumidzwa ʋo Justo, naMatia.

24 Ʋakanyeŋgetera, ʋaciti: Imi Ishe, munoziʋa mŋoyo yaʋanhu ʋose, ratidzai kuti wamakasanaŋgura kunaiʋaʋa ʋaʋiri ndoupi;

25 kuti apiwe nɀimbo paɓasa iri noʋuapostora ubgu, bgaakarashikirwa nabgo iye Judasi, kuti iye aende kunɀimbo yake.

26 Ɀino ʋakaʋakandira mijenya, mujenya ukaɓata Matia; iye akaʋereŋgwa pamŋe cete naʋaapostora ʋanegumi nomumŋe.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies