Jona 1 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Jona unotumŋa Nineve naJehova, asi unotiza. 1 Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaJona mŋanakomana waAmitai, riciti: 2 Simuka, uende Nineve, riya guta guru, undoriparidzira, nokuti kuipa kwaʋo kwakwira pamberi paŋgu. 3 Asi Jona wakasimuka aciɗa kutizira Tarshishi abve pamberi paJehova; akaɓurukira Jopa, akawana cikepe cakaŋga coenda Tarshishi, akaɓuɗisa mari yaco yokufamba, ndokupinda mukati maco, kuti aende naʋo Tarshishi abve pamberi paJehova. 4 Asi Jehova wakatuma mhepo inopeŋga paguŋgwa, ɗutu guru rikamuka paguŋgwa, cikepe cikashumba kuputsika. 5 Ipapo ʋafambisi ʋecikepe ʋakatya, mumŋe nomumŋe akaɗana kunamŋari wake, ʋakarashira muguŋgwa nhumbi dzakaŋga dziri mucikepe, kuti ʋacireruse. Asi Jona wakaŋga aɓurukira mukati‐kati mecikepe, akaʋata pasi, ndokuɓatwa nehope caidzo. 6 Ipapo mŋene wecikepe wakaʋuya kwaari, akati kwaari: Nhai, iwe muʋati, wakaita seiko? Simuka, ɗana kunaMŋari wako, ɀimŋe Mŋari uŋgatiraŋgarira, tikasaparara. 7 Ɀino mumŋe nomumŋe wakati kushamŋari yake: Ʋuyai tikande mijenya, tiziʋe kuti njodzi iyi yatiwira nokuɗa kwaani. Ipapo ʋakakanda mijenya, mujenya ukaɓata Jona. 8 Ɀino ʋakati kwaari: Citiʋudza hako, kuti njodzi iyi yatiwira nokuɗa kwaani; ɓasa rako ndereiko? wabvepiko? nyika yako ndeipi? uri worudzi rupi? 9 Iye akati kwaʋari: Ndiri muHeberu, ndinotya Mŋari wokuɗeŋga, wakaita guŋgwa nenyika yakawoma. 10 Ipapo ʋarume ʋakatya kwaɀo‐kwaɀo, ʋakati kwaari: Cinyiko ici cawaita? Nokuti ʋarume ʋakaŋga ʋaciziʋa kuti unotiza pamberi paJehova, nokuti wakaʋaʋudza. 11 Ɀino ʋakati kwaari: Ticakuiteiko, kuti guŋgwa ritinyararire? Nokuti guŋgwa rakaramba ricinyanya kupeŋga. 12 Iye akati kwaʋari: Ndisimudzei, mundikandire muguŋgwa, ipapo guŋgwa ricakunyararirai; nokuti ndinoziʋa kuti ɗutu iri guru rakakuwirai nokuɗa kwaŋgu. 13 Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋarume ʋakakwaȿa nesimba ʋaciidza kudzokera kunyika; asi ʋakakoniwa, nokuti guŋgwa rakaramba ricinyanya kuʋapeŋgera. 14 Naiɀoɀo ʋakaɗana kunaJehova, ʋakati: Tinokunyeŋgeterai, imi Jehova, tinokunyeŋgeterai, kuti tirege kuparara nokuɗa kwoʋupenyu bgomunhu uyu, murege kutisundira mhoȿa yeropa risinemhaka; nokuti imi Jehova makaita seɀamakaɗa henyu. 15 Ipapo ʋakasimudza Jona, ʋakamukandira muguŋgwa, guŋgwa rikanyarara pakupeŋga kwaro. 16 Ipapo ʋarume ʋakatya Jehova kwaɀo‐kwaɀo, ʋakaɓayira Jehova ciɓayiro, nokumupikira mhiko. 17 Jehova akatuma hoʋe huru kundomedza Jona, Jona akaʋa muɗumbu rehoʋe mazuʋa matatu noʋusiku ʋutatu. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society