Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Isaya 1 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Jehova unoraira ʋanhu ʋake nokuti ʋakasiya nzira dzake.

1 Ɀakaʋonekwa naIsaya, mŋanakomana waAmozi, ɀaakaʋona pamsoro paJuda neJerusarema, pamazuʋa aUziya, naJotami, naAhazi, naHezekiya, madzimambo aʋaJuda.

2 Inzwa ɗeŋga rose, terera iwe nyika, nokuti Jehova wakataura, aciti: Ndakarera nokukurisa ʋana, asi ʋakandimukira.

3 Nzombe inoziʋa mŋene wayo, nemboŋgoro inoziʋa cidyiro caʋatenzi ʋayo; asi Israeri haʋaziʋi, ʋanhu ʋaŋgu haʋaraŋgariri.

4 Haiwa, rudzi runotadza, ʋanhu ʋakaremerwa neɀakaipa, ʋana ʋaʋaiti ʋeɀakaipa, ʋana ʋanoita ɀakaʋora! Ʋakasiya Jehova, ʋakashoʋora Mutȿene waIsraeri, ʋadzokera shure.

5 Munoɗa kugara muciroʋerweiko, ɀamunoŋgoramba mucimukira Jehova? Musoro wose unorwadza, nomŋoyo wose waziya.

6 Kubvira parutsoka kuȿikira kumusoro hapanapakukutu pauri; asi maronda, napakakuʋara, namaʋaŋga matȿa; haanakuȿinwa, haana‐kuputirwa, kana kunyoroʋeswa namafuta.

7 Nyika yenyu yaparadzwa, maguta enyu apiswa nomŋoto, nyika yenyu yopedzwa naʋatorwa imi muri’po, yaparadzwa, seɀinoparadza ʋatorwa.

8 Mukunda weZioni wasiyiwa seɗumba mumunda wemizambiriŋga, secirindo mumunda wamagaka, seguta rakakombga nehondo.

9 Ƌai Jehova wehondo asina‐kutisiyira ʋakasara ʋashoma‐shoma, tiŋgaɗai takafanana neSodoma, takaita seGomora.

10 Inzwai shoko raJehova, imi ʋaɓati ʋeSodoma; tererai murairo waMŋari weɗu, imi ʋanhu ʋeGomora.

11 Ɀanzi naJehova: Ɀiɓayiro ɀenyu ɀizhinji ɀinondiɓatsirei? Ndagutisa ɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa ɀamakondobge, namafuta eɀipfuwo ɀakakodzwa; handifadzwi neropa renzombe, kana ramakwaiana, kana renhoŋgo.

12 Kana muciʋuya kuzondiʋona, ndianiko unoreʋa iɀoɀo pamaʋoko enyu, kuti mutsike maʋazhe aŋgu?

13 Musazoʋuya ɀe neɀipo ɀisinamaturo; ɀinonhuwira ɀinondinyaŋgadza; ŋguʋa dzokugara kwomŋedzi nedzamasaɓata, nedzokukokera ʋuŋgano, handiɀiɗi; ɀakaipa, kunyaŋge neʋuŋgano tȿene.

14 Ŋguʋa dzenyu dzokugara kwomŋedzi nemitambo yenyu ɀinoʋeŋgwa nomŋeya waŋgu; ɀinondinetsa; ndaneta nokutambudzika naɀo.

15 Kana mucitambanudza maʋoko enyu, ndicakuʋanzirai ciso caŋgu; ɀirokwaɀo, kana muciwanza minyeŋgetero, handiŋganzwi; maʋoko enyu azere neropa.

16 Shambai, muɀinatse; bvisai ɀakaipa ɀamaɓasa enyu pamberi paŋgu; regai kuramba muciita ɀakaipa;

17 dzidzai kuita ɀakanaka; tȿakai kururamisira, ɓatsirai ʋanomanikidzwa, ruramisirai nherera, mureʋerere cirikadzi.

18 Ciʋuyai ɀino, titaurirane, ndiɀo ɀinotaura Jehova; kunyaŋge ɀiʋi ɀenyu ɀikaita somuceka mutȿuku, ɀicacena secando; kunyaŋge ɀiri ɀishaʋa somuti mushaʋa, ɀicaita samakushe amakwai.

19 Kana muciɗa, muciterera, mucadya ɀakanaka ɀenyika;

20 asi kana muciramba, mucindimukira, mucaparadzwa nomunondo; nokuti muromo waJehova wakataura iɀoɀo.

21 Haiwa, guta rakatendeka rashanduka cifeʋe sei! Iro rakaŋga rizere nokururamisa! Kururama kwaigara mariri, asi ɀino mogara ʋaʋurayi.

22 Sirveri yako aʋa marara, waini yako yakaveŋganiswa nemvura.

23 Macinda ako akamukira Jehova, ishamŋari dzembava; mumŋe nomumŋe unoɗa fufuro, unoʋiŋga miɓairo; haʋaruramisiri nherera, mhaka yecirikadzi haitambgi naʋo.

24 Saka ɀanzi naShe, Jehova wehondo, iye Wamasimba waʋaIsraeri: Ndicapedza shuŋgu dzaŋgu pamsoro paʋadziʋisi ʋaŋgu, ndicaɀitsiʋira pamsoro paʋaʋeŋgi ʋaŋgu;

25 ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu kwauri, ndinatse cose marara ako, ndicabvisa tini yako.

26 Ndicadzosera ʋatoŋgi ʋako ʋaʋe sapakutaŋga, namakota ako sapakutaŋga; shure kwaiɀoɀo ucanzi Guta rokururama, musha wakatendeka.

27 Zioni ricadzikinurwa nokururamiswa, naʋanodzoka mariri nokururama.

28 Asi ʋaɗariki naʋatadzi ʋacaparadzwa pamŋe cete, ʋanosiya Jehova ʋacapedzwa.

29 Nokuti ʋacanyadziswa pamsoro pemiti yemiouki yamaifarira, mucaʋa nenyadzi pamsoro peminda yamakasanaŋgura.

30 Nokuti mucaʋa somuouki waȿaʋa mashizha, ʋuye somunda usinemvura.

31 Unesimba ucaʋa sorwonzi, neɓasa rake sesasaradzi dzomŋoto; ɀose ɀiʋiri ɀicatȿa pamŋe cete, hakunauŋgaɀidzimura.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies