Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Genesi 9 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Suŋgano pakati paNoa naMŋari.

1 Ɀino Mŋari wakaropafadza Noa naʋanakomana ʋake, akati kwaʋari: Ƃerekai, muwande, muzadze nyika.

2 Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzeɗeŋga, dzicakutyai nokukuvundukai; ɀose ɀinokambaira pasi, nehoʋe dzose dzeguŋgwa, ɀinoiswa pamaʋoko enyu.

3 Ɀose ɀinofamba ɀipenyu ɀicaʋa ɀokudya ɀenyu; ndinokupai ɀose, seɀandakakupai miriʋo mitema.

4 Asi nyama, kana inoʋupenyu bgayo, iro ropa rayo, musaidya iyo.

5 Ɀirokwaɀo ropa renyu, roʋupenyu bgenyu, ndicaritȿaka; ndicaritȿaka paɀipenyu ɀose, ndicatȿaka ʋupenyu bgomunhu paruʋoko rwomunhu naparuʋoko rwehama yomunhu.

6 Aninani unoteʋura ropa romunhu, ropa rake ricateʋurwa ʋo nomunhu; nokuti Mŋari wakaita munhu nomufananidzo wake.

7 Asi imi ɓerekai, muwande; ɓerekai ɀikuru panyika, muwande mukati mayo.

8 Ɀino Mŋari wakataura naNoa naʋanakomana ʋake ʋakaŋga ʋanaye, akati:

9 Tarirai, ini ndinoita suŋgano yaŋgu nemi naʋana ʋenyu ʋanokuteʋerai;

10 neɀipenyu ɀose ɀinemi, ɀinoti, shiri, neɀipfuwo, nemhuka dzose dzenyika dzinemi; ɀose ɀinoɓuɗa paareka, idzo mhuka dzose dzapanyika.

11 Ndicaita suŋgano yaŋgu nemi; ɀose ɀenyama haɀiŋgazopedzwi ɀe nemvura zhinji: mvura zhinji haiŋgazoʋi’po ɀe kuti iparadze nyika.

12 Ipapo Mŋari wakati: Ndico ciratidzo cesuŋgano yandinoita pakati paŋgu nemi neɀipenyu ɀose ɀinemi kuȿikira kumarudzi asiŋgaperi:

13 Ndinoisa muraraʋuŋgu waŋgu mugore, kuti ciʋe ciratidzo cesuŋgano pakati paŋgu nenyika.

14 Ɀino ndicati kana ndikaʋuyisa gore pamsoro penyika, muraraʋuŋgu uyu ukaʋonekwa mugore,

15 ndicaraŋgarira suŋgano yaŋgu iri pakati paŋgu nemi, napakati peɀipenyu ɀose ɀenyama; mvura haicazoʋi zhinji ɀe kuti iparadze ɀose ɀenyama.

16 Muraraʋuŋgu ucaʋa’po mugore; ndicautarira, kuti ndiraŋgarire suŋgano isiŋgaperi pakati paMŋari neɀipenyu ɀose ɀenyama ɀiri panyika.

17 Mŋari akati kunaNoa: Ndico ciratidzo cesuŋgano yandakaita pakati paŋgu neɀose ɀenyama ɀiri panyika.


Ʋanakomana ʋaNoa.

18 Ʋanakomana ʋaNoa ʋakaɓuɗa muareka ndiʋaʋa: Shemi, naHami, naJafeti; Hami ndiye ɓaɓa ʋaKanani.

19 Ndiʋaʋa ʋakaŋga ʋari ʋanakomana ʋaNoa; nyika yose yakazadzwa naʋo.


Kutadza kwaNoa nokutukwa kwaKanani.

20 Noa wakataŋga kuʋa murimi, akarima munda womuzambiriŋga;

21 akanwa waini, akaɓatwa, akaɀifukura mutente rake.

22 Ɀino Hami, ɓaɓa ʋaKanani, wakaʋona kusasimira kwaɓaɓa ʋake, akaziʋisa ʋakuru ʋake ʋaʋiri.

23 Ipapo Shemi naJafeti ʋakatora ŋguʋo, ʋakaiisa pamafudzi aʋo, ʋakaenda manhenda shure, ʋakafukidzira kusasimira kwaɓaɓa ʋaʋo; ɀiso ɀaʋo ɀakaŋga ɀakatarira shure, ʋakasaʋona kusasimira kwaɓaɓa ʋaʋo.

24 Ɀino Noa akapeŋgenuka pawaini yake, akaziʋa ɀaakaitirwa nomŋanakomana wake muɗuku,

25 akati: Kanani ŋgaatukwe; Ucaʋa muranda waʋaranda kuʋakuru ʋake.

26 Akati: Jehova Mŋari waShemi ŋgaakudzwe, Kanani ŋgaaʋe muranda wake.

27 Mŋari ŋgaakurise Jafeti, Ŋgaagare mumatente aShemi, Kanani ŋgaaʋe muranda wake.

28 Noa wakagara shure kwemvura zhinji makore anamazana matatu namakumi mashanu.

29 Mazuʋa ose aNoa akaŋga ari mazana mapfumbamŋe namakumi mashanu, akafa.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies