Eksodo 7 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Jehova akati kunaMosesi: Tarira, ndakuita samŋari kunaFarao; Aroni, mukoma wako, ucaʋa muprofita wako. 2 Taura ɀose ɀandinokuraira; Aroni, mukoma wako, ucataura naFarao, kuti atendere ʋana ʋaIsraeri, ʋaɓuɗe munyika yake. 3 Ini ndicawomesa mŋoyo waFarao, ndicawanza ɀiratidzo ɀaŋgu neɀishamiso ɀaŋgu panyika yeEgipita. 4 Asi Farao haaŋgakutereriyi; ipapo ndicaisa ruʋoko rwaŋgu pamsoro peEgipita, ndikaɓuɗisa hondo dzaŋgu, iʋo ʋanhu ʋaŋgu, ʋana ʋaIsraeri, munyika yeEgipita nokutoŋga kukuru. 5 ƲaEgipita ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndicitambanudza ruʋoko rwaŋgu pamsoro peEgipita, ndicibvisa ʋana ʋaIsraeri pakati paʋo. 6 Mosesi naAroni ʋakaita saiɀoɀo; seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ʋakaita saiɀoɀo. 7 Mosesi wakaŋga anamakore makumi masere, naAroni makore makumi masere namatatu, paŋguʋa yaʋakataura naFarao. 8 Ɀino Jehova akataura naMosesi naAroni, akati: 9 Kana Farao acitaura nemi, akati: Tiratidzei cinoshamisa, uti kunaAroni: Tora tȿimbo yako, uikandire pasi pamberi paFarao, ishanduke nyoka. 10 Mosesi naAroni ʋakapinda kunaFarao, ʋakaita seɀaʋakarairwa naJehova, Aroni akakandira tȿimbo yake pasi pamberi paFarao napamberi paʋaranda ʋake, ikashanduka nyoka. 11 Ipapo Farao akaɗana ʋo ʋakacenjera naʋaroyi; naiʋo ʋo, idzo ŋaŋga dzeEgipita, ʋakaita saiɀoɀo noʋuroyi bgaʋo. 12 Nokuti mumŋe nomumŋe wakakandira pasi tȿimbo yake, dzikashanduka nyoka; asi tȿimbo yaAroni yakamedza tȿimbo dzaʋo. 13 Ɀino mŋoyo waFarao ukawomeswa, akasaʋaterera; seɀakarebga naJehova. Ƌambudziko rokutaŋga: Mʋura inoshandurwa ropa. 14 Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Mŋoyo waFarao mukukutu, haaɗi kutendera ʋanhu kuenda. 15 Enda kunaFarao maŋgwanani; tarira, ucaɓuɗa acienda kumvura; iwe undomira pamhenderekedzo dzorwizi kuti usoŋgane naye, wakaɓata muruʋoko rwako tȿimbo iya yakashanduka nyoka. 16 Ugoti kwaari: Jehova, Mŋari waʋaHeberu, wakandituma kwauri, aciti: Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda ʋandinamate murenje; ɀino tarira, kuȿikira ɀino hauna‐kunditerera. 17 Ɀanzi naJehova: Ucaziʋa kuti ndini Jehova necinhu ici: Tarira, ndicaroʋa mvura iri murwizi netȿimbo iri muruʋoko rwaŋgu, ikashanduka ropa. 18 Hoʋe dziri murwizi dzicafa, rwizi rucanhuwa; ʋaEgipita ʋacanetswa nokutȿaka kunwa mvura yorwizi. 19 Jehova akati ʋo kunaMosesi: Uti kunaAroni: Tora tȿimbo yako, utambanudzire ruʋoko rwako pamsoro pemvura yaʋaEgipita, pamsoro penzizi dzaʋo, napamsoro pehoʋa dzaʋo, napamsoro pamadziʋa aʋo, napamsoro pamakaŋgwa aʋo ose, ɀishanduke ropa; riʋe’po panyika yose yeEgipita, mumidziyo yose yamatanda nemidziyo yamabge. 20 Mosesi naAroni ʋakaita seɀaʋakarairwa naJehova, ʋakasimudza tȿimbo, ʋakaroʋa mvura yakaŋga iri murwizi pamberi paFarao napamberi paʋaranda ʋake, mvura yose yomurwizi ikashanduka ropa. 21 Hoʋe dzomurwizi dzikafa, rwizi rukanhuwa, ʋaEgipita ʋakasagona kunwa mvura yorwizi; ropa rikaʋa’po panyika yose yeEgipita. 22 Ŋaŋga dzeEgipita dzikaita ʋo saiɀoɀo noʋuroyi bgadzo; asi mŋoyo waFarao wakawomeswa, akasaʋaterera, seɀakaŋga ɀarebga naJehova. 23 Ipapo Farao akadzoka, akapinda mumba make; haana‐kuraŋgarira necinhu ici ʋo. 24 ƲaEgipita ʋose ʋakacera nhiʋi dzorwizi ʋacitsaka mvura yokunwa; nokuti ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kunwa mvura yorwizi. 25 Mazuʋa manomŋe akapera kubva pakurobga kworwizi naJehova. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society