Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Eksodo 5 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mosesi naAroni pamberi paFarao. ƲaIsraeri ʋanonyanya kunetswa.

1 Shure kwaiɀoɀo Mosesi naAroni ʋakaenda, ʋakati kunaFarao: Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda, kuti ʋandiitire mutambo murenje.

2 Farao akati: Jehova ndiye aniko, kuti nditerere inzwi rake, kuti nditendere ʋaIsraeri kuenda? Handimuziʋi iye Jehova, neni handiŋgatenderi ʋaIsraeri kuenda.

3 Ʋakati: Mŋari waʋaHeberu wakasoŋgana nesu; ɗotitenderai kuenda rwendo rwamazuʋa matatu murenje, tindoɓayira Jehova Mŋari weɗu; kuti arege kutiroʋa neɗenda kana nomunondo.

4 Ipapo mambo weEgipita akati kwaʋari: Imi Mosesi naAroni, munotsausireiko ʋanhu pamaɓasa aʋo? Endai kumirimo yenyu.

5 Farao akati: Tarirai, ʋanhu ʋenyika ino ʋatoʋa ʋazhinji, ɀino imi moɗa kuʋazorodza pamirimo yaʋo.

6 Nomusi iwoyo Farao akaraira ʋarairi ʋamaɓasa aʋanhu, naʋatariri ʋaʋo, akati:

7 Musaramba mucipa ʋanhu ʋuswa bgokuita ɀitina nabgo, seɀamakaita kuȿikira ɀino; ŋgaʋaende ʋandoɀiʋuŋganidzira ʋuswa ʋamene.

8 Asi ɀitina ɀaʋakaita kuȿikira ɀino, muʋatarire iɀoɀo; musaɀitapudza, nokuti haʋana‐caʋanoɓata, saka ʋanoɗana, ʋaciti: Titenderei tindoɓayira Mŋari weɗu.

9 Ʋarume ŋgaʋawedzerwe ɓasa rinorema, ʋaremerwe naro; kuti ʋarege kuraŋgarira mashoko enhema.

10 Ipapo ʋarairi ʋamabasa aʋanhu naʋatariri ʋaʋo ʋakaɓuɗa, ʋakataura naʋanhu, ʋakati: Ɀanzi naFarao: Handicakupiyi ʋuswa.

11 Endai mumene mundoɀitorera ʋuswa pamuŋgaʋuwana, nokuti ɓasa renyu haritapudzwi.

12 Ɀino ʋanhu ʋakapararira kunyika yose yeEgipita kuzoʋuŋganidza mashaŋga panɀimbo yoʋuswa.

13 Ʋarairi ʋamaɓasa ʋakaʋakurudzira, ʋaciti: Pedzai ɓasa renyu, maɓasa amaifanira kuita mazuʋa ose mucinoʋuswa.

14 Naʋatariri ʋaʋana ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋaiswa pamsoro paʋo naʋarairi ʋaFarao, ʋaisirobga, ɀicinzi: Makaregerei kupedza ɓasa renyu razuro neranhasi muciita ɀitina seɀamakaita kuȿikira ɀino?

15 Ɀino ʋatariri ʋaʋana ʋaIsraeri ʋakaʋuya ʋacicema kunaFarao, ʋaciti: Munoitireiko kuɗaro naʋaranda ʋenyu?

16 Ʋaranda ʋenyu haʋapiwi ʋuswa, asi ʋanoti kwatiri: Itai ɀitina; tarirai ʋaranda ʋenyu ʋanorobga, asi mhaka iri kuʋanhu ʋenyu.

17 Asi iye akati: Hamuna‐camunoɓata, hamuna‐camunoɓata, saka munoti: Titenderei kundoɓayira Jehova.

18 Naiɀoɀo endai ɀino, muɓate, nokuti hamucapiwi ʋuswa, asi munofanira kupedza ɀitina ɀakatarwa.

19 Ɀino ʋatariri ʋaʋana ʋaIsraeri ʋakaʋona kuti ʋari panjodzi, ɀaɀakanzi: Hamuŋgatapudzi paɀitina ɀenyu, ɀamunofanira kuita mazuʋa ose.

20 Ʋakasoŋgana naMosesi naAroni, ʋakaŋga ʋamire panzira pakuɓuɗa kwaʋo pamberi paFarao;

21 ʋakati kwaʋari: Jehova ŋgaakutarirei akutoŋgei, nokuti matinyadzisa pamberi paFarao naʋaranda ʋake, Mukaisa munondo muruʋoko rwaʋo wokutiʋuraya nawo.

22 Ipapo Mosesi akadzokera kunaJehova, akati: Ishe, maitireiko ʋanhu aʋa ɀakaipa? Manditumireiko?

23 Nokuti kubva paŋguʋa yandakaenda nayo kunaFarao kundotaura nezita renyu, iye wakaitira ʋanhu aʋa ɀakaipa; hamuna‐kutoŋgorwira ʋanhu ʋenyu.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies