Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Eksodo 23 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mimŋe mirairo.

1 Usaita makuhwa; usaɓatsirana nowakaipa pakuita capupu cisakarurama.

2 Usateʋera ʋazhinji pakuita ɀakaipa; usapupura pamhoȿa pamŋe cete naʋazhinji kuti irege kururamiswa;

3 usatsaura murombo ucimuitira tsitsi pamhaka yake.

4 Kana ukasoŋgana nenzombe kana mboŋgoro yakarashika yomuʋeŋgi wako, ɀirokwaɀo unofanira kuidzosera kwaari.

5 Kana ukaʋona mboŋgoro yomuʋeŋgi wako yawira pasi nomutoro wayo, usaramba kumuɓatsira, ɀirokwaɀo umuɓatsire kuisunuŋgura.

6 Usatsausa ɀakarurama ɀomurombo pamhaka yake.

7 Unɀeŋge shoko renhema; usaʋuraya munhu usinemhoȿa ʋuye wakarurama, nokuti handiŋgaruramisiri wakaipa.

8 Usagamucira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza ʋanoʋona, nokukaŋganisa mashoko aʋakarurama.

9 Usatambudza mutorwa, nokuti munoziʋa mŋoyo womutorwa, ɀamakaŋga muri ʋatorwa munyika yeEgipita.

10 Dɀara munda wako makore matanhatu, ucikohwa ɀiɓereko ɀawo.

11 Asi negore recinomŋe unofanira kuuzorodza nokurega kuurima, kuti ʋarombo ʋaʋanhu ʋako ʋadye, nemhuka dzesaŋgo dzidye ɀaʋasiya. Saiɀoɀo uite ʋo nomunda wako wemizambiriŋga nomunda wako wemiorivi.

12 Uɓate maɓasa ako namazuʋa matanhatu, ugozorora nezuʋa recinomŋe; kuti nzombe yako nemboŋgoro yako ɀizorore, nomŋanakomana womurandakadzi wako nomutorwa ʋambofema haʋo.

13 Ɀinhu ɀose ɀandakakuʋudzai muɀiterere; musareʋa zita raʋamŋe ʋamŋari, ŋgarirege kunzwika pamiromo yenyu.

14 Undiitire mutambo katatu pagore.

15 Uite mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa; udye ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe, seɀandakakuraira, paŋguʋa yakatarwa pamŋedzi weAbibi (nokuti wakaɓuɗa nawo Egipita); kurege kuʋa nomunhu unoʋuya pamberi paŋgu asinecinhu;

16 ʋuye mutambo wokuceka, weɀitȿa ɀamaɓasa ako, ɀawakadɀara mumunda mako; ʋuye mutambo wokuʋuŋganidza pakupera kwegore, kana woʋuŋganidza ɀamaɓasa ako pamunda.

17 Ʋarume ʋenyu ʋose ŋgaʋaʋuye pamberi paShe Mŋari katatu negore.

18 Usandiʋigira ropa reciɓayiro caŋgu pamŋe cete neciŋgwa cakaʋiriswa; namafuta omutambo waŋgu arege kuʋata ʋusiku bgose kuȿikira maŋgwana.

19 Ɀokutaŋga ɀeɀitȿa ɀomunda wako unofanira kuʋuya naɀo kumba kwaJehova Mŋari wako. Usaɓika mbudzana mumukaka wamai ʋayo.

20 Tarira, ndinotuma mutumŋa pamberi pako, akuceŋgete panzira, akuise panɀimbo yandakakugadzirira.

21 Mumunzwei, muterere inzwi rake, musamutsamŋisa, nokuti haaŋgakukaŋganwiriyi kuɗarika kwenyu, nokuti zita raŋgu riri maari.

22 Asi kana ukaterera inzwi rake kwaɀo, ukaita iɀoɀo ɀose ɀandinotaura, ndicaʋa muʋeŋgi waʋaʋeŋgi ʋako, nomudziʋisi waʋadziʋisi ʋako.

23 Nokuti mutumŋa waŋgu ucakutuŋgamirira, akuȿitse kuʋaAmori, naʋaHeti, naʋaPerezi, naʋaKanani, naʋaHivi, naʋaJebusi; ini ndicaʋaparadza.

24 Usafugamira ʋamŋari ʋaʋo, kana kuʋashumira, kana kuteʋera maɓasa aʋo; asi unofanira kuʋaparadza cose, nokuputsanya shoŋgwe dzaʋo.

25 Shumira Jehova Mŋari wako, kuti aropafadze ciŋgwa cako nemvura yako; neni ndicabvisa ʋurwere pakati penyu.

26 Hakuŋgaʋi necinhu cinoȿodza, kana cisiŋgaɓereki panyika yako; ndicazadzisa mazuʋa ako.

27 Ndicatuma cityiso caŋgu pamberi pako, nokukaŋganisa ndudzi dzose dzaucaȿika kwadziri, ndicafuratidza ʋaʋeŋgi ʋako ʋose.

28 Ndicatuma mago pamberi pako, adziŋge ʋaHivi, naʋaKanani, naʋaHeti pamberi pako.

29 Handiŋgaʋadziŋgi pamberi pako negore rimŋe, kuti nyika irege kuita renje, ɀikara ɀesaŋgo ɀirege kukuwandira.

30 Ndicanatsoʋadziŋga pamberi pako, kuȿikira maʋa ʋazhinji, upiwe nyika iʋe nhaka yako.

31 Ndicaisa miganhu yako kubva paGuŋgwa Dɀuku kuȿikira kuGuŋgwa raʋaFiristia, nokubva kurenje kuȿikira kuRwizi, nokuti ndicapa ʋagere munyika mumaʋoko enyu, uʋadziŋge pamberi pako.

32 Rega kuita suŋgano naʋo, kana naʋamŋari ʋaʋo.

33 Haʋafaniri kugara munyika yako, kuti ʋarege kukutadzisa pamberi paŋgu, nokuti kana ukashumira ʋamŋari ʋaʋo, ɀirokwaɀo iɀo ɀicaʋa musuŋgo kwauri.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies