Eksodo 20 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Mirairo inegumi. 1 Ɀino Mŋari wakataura mashoko awa ose, akati: 2 Ndini Jehova, Mŋari wako, wakakubvisa munyika yeEgipita, muimba yoʋuranda. 3 Usaʋa naʋamŋe ʋamŋari kunze kwaŋgu. 4 Usaɀiitira mufananidzo wakaʋezwa, kana uri mufananidzo wecinhu ciri kuɗeŋga kumsoro, kana weciri panyika pasi, kana weciri mumvura pasi penyika. 5 Usafugamira iɀoɀo, kana kuɀishumira; nokuti ini Jehova, Mŋari wako, ndiri Mŋari unegoɗo; ndinoroʋa ʋana nokuɗa kweɀiʋi ɀamadziɓaɓa aʋo, kuȿikira kurudzi rwecitatu norwecinna rwaʋanondiʋeŋga; 6 ndiciitira nyasha ʋaneɀuru ɀamazana ʋanondiɗa, ʋanoceŋgeta mirairo yaŋgu. 7 Usareʋa zita raJehova Mŋari wako pasina; nokuti Jehova haaŋgaregi kupa mhoȿa unoreʋa zita rake pasina. 8 Raŋgarira zuʋa resaɓata, kuti uriceŋgete riʋe dɀene. 9 Uɓate mazuʋa matanhatu, uite maɓasa ako ose; 10 asi zuʋa recinomŋe isaɓata raJehova Mŋari wako; usatoŋgoɓata maɓasa naro, iwe, kana mŋanakomana wako, kana mŋanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana ɀipfuwo ɀako, kana mŋeni wako uri mukati mamasuʋo ako; 11 nokuti namazuʋa matanhatu Jehova wakaita ɗeŋga napasi, neguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo, akazorora nezuʋa recinomŋe; naiɀoɀo Jehova wakaropafadza zuʋa resaɓata akariita dɀene. 12 Kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako, kuti mazuʋa ako aʋe mazhinji panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako. 13 Usaʋuraya. 14 Usaita ʋupombge. 15 Usaɓa. 16 Usapupurira wokwako nhema. 17 Usaciʋa imba yowokwako, usaciʋa mukadzi wowokwako, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana nzombe yake, kana mboŋgoro yake, kana cimŋe cowokwako. 18 Ʋanhu ʋose ʋakaʋona kutinhira, nemheni, nenzwi rehwamanda, negomo rinopfuŋgaira, ɀino ʋanhu ʋakati ʋaciʋona iɀoɀo, ʋakaɗeɗera ʋakamira kure. 19 Ʋakati kunaMosesi: Imi citaurai henyu nesu, tinzwe; asi Mŋari ŋgaarege kutaura nesu, tirege kufa. 20 Mosesi akati kuʋanhu: Musatya henyu, nokuti Mŋari wakaʋuya kuzokuidzai, kuti mugare mucimutya, murege kutadza. 21 Ʋanhu ʋakamira kure, Mosesi akasweɗera kurima guru kwakaŋga kunaMŋari. 22 Jehova akati kunaMosesi: Iti kuʋana ʋaIsraeri: Imi makaʋona mumene kuti ndakataura nemi ndiri kuɗeŋga. 23 Musaita ʋamŋe ʋamŋari pamŋe cete neni; musaɀiitira ʋamŋari ʋesirveri kana ʋamŋari ʋendarama. 24 Undiitire artari yevu, uɓayire pamsoro payo ɀipiriso ɀako ɀinopiswa neɀipiriso ɀako ɀokuyananisa, namakwai ako nenzombe dzako; panɀimbo imŋe neimŋe pandicaraŋgaridza zita raŋgu, ndicaʋuya’po kwauri, ndicikuropafadza. 25 Ɀino kana ucindiʋakira artari yamabge, urege kuiʋaka namabge akaʋezwa, nokuti kana ukasimudzira mbezo yako pamsoro pebge, wariȿiɓisa. 26 Rega kukwira ʋo kuartari yaŋgu neɀikwiriso, kuti kunyasi kwako kurege kufukurwa kwairi. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society