Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Eksodo 15 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Rwiyo rwaʋaIsraeri.

1 Ɀino Mosesi naʋana ʋaIsraeri ʋakaimbira Jehova rwiyo urwu, ʋakataura ʋaciti: Ndicaimbira Jehova, nokuti wakasimuka nesimba rake; Wakakandira biza nomutaȿi waro muguŋgwa.

2 Jehova ndiro simba raŋgu norwiyo rwaŋgu; Iye wakaʋa ruponeso rwaŋgu; Uyu ndiye Mŋari waŋgu, ndicamurumbidza; Mŋari waɓaɓa ʋaŋgu, ndicamukudza.

3 Jehova munhu wokurwa; Jehova ndiro zita rake.

4 Wakakandira ŋgoro dzaFarao nehondo yake muguŋgwa; Ʋarwi ʋake ʋakasanaŋgurwa ʋakanyudzwa muGuŋgwa Dɀuku.

5 Mʋura yakadzika yakaʋafukidza; Ʋakanyura makadzika sebge.

6 Rudyi rwenyu, Jehova, rwakakudzwa nesimba rarwo; Rudyi rwenyu, Jehova, runoputsanya ʋaʋeŋgi.

7 Noʋumambo bgenyu ʋukuru munowisira pasi ʋanokumukirai simba; Munotuma kutsamŋa kwenyu, kunoʋapisa sehundi.

8 Nokufema kwemhino dzenyu, mvura yakaʋuŋganidzwa pamŋe cete; Nzizi dzikamira dzikaita murwi, Mvura yakadzika yakagwamba mukati meguŋgwa.

9 Muʋeŋgi wakati: Ndicateʋerera, ndicaʋaɓata, ndicagoʋera ɀandapamba; Kuciʋa kwaŋgu kucagutswa naʋo; Ndicavomora munondo waŋgu, ruʋoko rwaŋgu rucaʋaparadza.

10 Makafema mŋeya wenyu, guŋgwa rikaʋafukidza, Ʋakanyura somutobvu mumvura inesimba.

11 Ndianiko wakafanana nemi, Jehova, pakati paʋamŋari? Ndianiko wakafanana nemi paʋukuru bgoʋutȿene, Munorumbidzwa mucityisa, munoita ɀishamiso?

12 Makatambanudza ruʋoko rwenyu rworudyi, Nyika ikaʋamedza.

13 Makafambisa nenyasha dzenyu ʋanhu ʋamakadzikinura; Makaʋaperekedza nesimba renyu kuʋugaro bgenyu ʋutȿene.

14 Ʋanhu ʋakanzwa ʋakaɗeɗera, Maɓayo akawira ʋanhu ʋagere Firistia.

15 Ipapo macinda eEdomi akashamiswa, Kuɗeɗera kwakawira ʋanhu ʋanesimba ʋeMoabi; Ʋanhu ʋose ʋanogara Kanani ʋakanyauka.

16 Kutya nokuvunduka kwakaʋawira; Ʋakanyarara sebge noʋukuru bgoruʋoko rwenyu; Kuȿikira ʋanhu ʋenyu ʋayambuka, Jehova, Kuȿikira ʋanhu ʋenyu ʋamakaɀitȿakira ʋayambuka.

17 Mucaʋapinza, nokuʋasima pagomo renhaka yenyu, Paʋugaro bgamakaɀiitira, kuti mugare’po, Jehova; Patȿene pakaitwa namaʋoko enyu.

18 Jehova ucaɓata ʋushe nokusiŋgaperi.

19 Nokuti mabiza aFarao akapinda muguŋgwa pamŋe cete neŋgoro dzake, naʋataȿi ʋake ʋamabiza, Jehova akadzosera mvura yeguŋgwa pamsoro paʋo; asi ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba pakawoma mukati meguŋgwa.

20 Ɀino Miriami, muprofitakadzi, hanɀadzi yaAroni, wakatora gandira muruʋoko rwake, ʋakadzi ʋose ʋakaɓuɗa ʋakamuteʋera ʋanamakandira, ʋacitamba.

21 Miriami akaʋapindura, akati: Imbirai Jehova, nokuti wakasimuka nesimba rake; Wakakandira biza nomutaȿi waro muguŋgwa.


Ʋanoȿika Mara neErimi.

22 Ɀino Mosesi wakatuŋgamirira ʋaIsraeri, ʋakabva paGuŋgwa Dɀuku, ʋakaenda kurenje reShuri, ʋakaita mazuʋa matatu ʋacifamba murenje ʋasiŋgawani mvura.

23 Ʋakaȿika Mara, asi ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kunwa mvura yapaMara, nokuti yakaŋga iciʋaʋa; naiɀoɀo zita ra’po rakanzi Mara.

24 Ɀino ʋanhu ʋakapopotera Mosesi, ʋakati: Ticanweiko?

25 Iye akacema kunaJehova, Jehova akamuratidza muti, akaukandira mumvura, mvura ikanaka. Akaʋaitira’po murairo nomutemo, akaʋaidza’po;

26 akati: Kana uciterera nomŋoyo wose inzwi raJehova Mŋari wako, ukaita ɀakarurama pamberi pake, ukarerekera nzeʋe dzako kumirairo yake, ukaceŋgeta ɀaakatema ɀose, handiŋgaisi pamsoro pako marwadzi andakaisa pamsoro paʋaEgipita, nokuti ndini Jehova murapi wako.

27 Ɀino ʋakaȿika Erimi, pakaŋga panamatsime emvura anegumi namaʋiri, nemicindwe inamakumi manomŋe, ʋakaʋaka’po misasa pamvura.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies