Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Eksodo 13 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Murairo wamataŋgwe.

1 Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:

2 Nditsaurirei mataŋgwe ose; ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro pakati paʋana ʋaIsraeri, kana kuʋanhu kana kuɀipfuwo, ndeɀaŋgu.

3 Ɀino Mosesi akati kuʋanhu: Raŋgarirai zuʋa iri ramakaɓuɗiswa naro paEgipita, paimba yoʋuranda, nokuti Jehova wakakuɓuɗisai pano noruʋoko runesimba; ciŋgwa cakaʋiriswa ŋgacirege kudyiwa nemi.

4 Nhasi munoɓuɗa nomŋedzi weAbibi.

5 Ɀino kana Jehova akuȿitsa kunyika yaʋaKanani, neyaʋaHeti, neyaʋaAmori, neyaʋaHivi, neyaʋaJebusi, yaakambopikira madziɓaɓa ako, kuti ucakupa iyo, nyika inoyerera mukaka noʋuci, unofanira kundoita ɓasa iri nomŋedzi uno.

6 Unofanira kudya ciŋgwa cisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe; pazuʋa recinomŋe Jehova ŋgaaitirwe mutambo.

7 Ciŋgwa cisina‐kuʋiriswa ŋgacidyiwe mazuʋa manomŋe: ciŋgwa cakaʋiriswa ŋgacirege kuʋonekwa kwauri, kunyaŋge mbiriso ŋgairege kuʋonekwa kwauri panyika yako yose.

8 Ʋudza mŋanakomana wako nomusi iwoyo, uti: Ndiɀo ɀinoratidza ɀandakaitirwa naJehova musi wandakaɓuɗa Egipita.

9 Cinofanira kuʋa ciratidzo kwauri paruʋoko rwako, neciraŋgaridzo pakati pameso ako, kuti murairo waJehova uʋe mumuromo mako; nokuti Jehova wakakuɓuɗisa paEgipita noruʋoko runesimba.

10 Naiɀoɀo unofanira kuceŋgeta murairo uyu neŋguʋa yawo gore rimŋe nerimŋe.

11 Ɀino kana Jehova akuȿitsa kunyika yaʋaKanani, seɀaakakupikira iwe namadziɓaɓa ako, akakupa iyo,

12 unofanira kusanaŋgurira Jehova ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro, neɀokutaŋga ɀose paɀipfuwo ɀaunaɀo, ɀirume ndeɀaJehova.

13 Mŋana wokutaŋga wemboŋgoro unofanira kuudzikinura negwaiana; kana usiŋgaɗi kuudzikinura, unofanira kuvuna mutsipa wawo; mataŋgwe ose aʋanhu pakati paʋanakomana ʋako unofanira kuadzikinura.

14 Ɀino kana mŋanakomana wako acizokubvunza paŋguʋa inoʋuya, akati: Cinyiko ici? Uti kwaari: Jehova wakatiɓuɗisa noruʋoko runesimba paEgipita paimba yoʋuranda;

15 nokuti paŋguʋa iyo Farao yaakaramba kutitendera kuenda, Jehova wakaʋuraya mataŋgwe ose enyika yeEgipita, mataŋgwe ose aʋanhu naʋana ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo; naiɀoɀo ndinoɓayira Jehova ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro, kana ɀiri ɀirume; asi mataŋgwe ose aʋanakomana ʋaŋgu ndinoadzikinura.

16 Ici cicaʋa ciratidzo paruʋoko rwako, norundanyara pameso ako; nokuti Jehova wakatiɓuɗisa paEgipita noruʋoko runesimba.


ƲaIsraeri ʋanoɓuɗa Egipita.

17 Ɀino Farao wakati aregedza ʋanhu kuti ʋaende, Mŋari haana‐kuʋafambisa nenzira yapanyika yaʋaFiristia, kunyaŋge yaiʋa pedyo, nokuti Mŋari wakati: Ɀimŋe ʋanhu ʋaŋgaɀiɗemba, kana ʋaciʋona kurwa, ʋakadzokera Egipita;

18 asi Mŋari wakapotesa ʋanhu nokure, nenzira yokurenje rapaGuŋgwa Dɀuku; ʋana ʋaIsraeri ʋakaɓuɗa panyika yeEgipita ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa.

19 Mosesi akatora mafupa aJosefa, akaenda nawo; nokuti wakaŋga apikisa ʋana ʋaIsraeri, aciti: Ɀirokwaɀo Mŋari ucakushanyirai, mucabva pano, mugoenda ʋo namafupa aŋgu.

20 Ɀino ʋakataŋga rwendo rwaʋo ʋakabva Sukoti, ʋakandoʋaka misasa yaʋo paEtami, pamuceto werenje.

21 Jehova akaʋatuŋgamirira masikati neshoŋgwe yegore rokuʋaperekedza panzira, ʋusiku neshoŋgwe yomŋoto yokuʋavenekera, kuti ʋafambe masikati noʋusiku

22 Shoŋgwe yegore yakaŋga isiŋgabvi pamberi paʋanhu masikati, kana shoŋgwe yomŋoto ʋusiku.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies