Eksodo 11 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Ƌambudziko regumi: Rufu rwamataŋgwe. 1 Ɀino Jehova wakati kunaMosesi: Ndicaʋuyisa ɗambudziko rimŋe ɀe pamsoro paFarao napamsoro peEgipita, ipapo ucakutenderai kubva pano; musi waacakutenderai kuenda, ɀirokwaɀo ucakudziŋgai cose pano. 2 Ɀino ʋudza ʋanhu ʋanzwe, kuti murume mumŋe nomumŋe akumbire kunowokwake, nomukadzi mumŋe nomumŋe akumbire kunowokwake, ʋapiwe ɀishoŋgo ɀesirveri neɀishoŋgo ɀendarama. 3 Ɀino Jehova akapa ʋanhu nyasha pamberi paʋaEgipita. Naiye munhu uyu Mosesi, wakaŋga ari mukuru kwaɀo munyika yeEgipita, pamberi paʋaranda ʋaFarao, napamberi paʋanhu. 4 Ɀino Mosesi akati: Ɀanzi naJehova: Kana paʋa pakati poʋusiku, ndicaɓuɗa ndikafamba napakati peEgipita; 5 mataŋgwe ose munyika yeEgipita acafa, kutaŋga paɗaŋgwe raFarao unogara pacigaro coʋushe, kuȿikira paɗaŋgwe romurandakadzi uri paguyo, naʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo. 6 Pan ika yose yeEgipita pacaʋa nokucema kukuru, kwakaɗaro hakuna‐kumboʋa’po, ʋuye hakuŋgaʋi’po ɀe. 7 Asi pakati paʋana ʋaIsraeri ʋose, pakati paʋanhu kana ɀipfuwo, hapaŋgaʋi nembga icasimudza rurimi rwayo; kuti muziʋe kuti Jehova wakatsaura pakati paʋaEgipita naʋaIsraeri. 8 Naʋaranda ʋenyu ʋose aʋa ʋacaɓurukira kwandiri, ʋacandifugamira, ʋaciti: Ibvai henyu, naʋanhu ʋose ʋanokuteʋerai; shure kwaiɀoɀo ndicaɓuɗa. Akaɓuɗa pamberi paFarao, akatsamŋa kwaɀo. 9 Jehova akati kunaMosesi: Farao haaŋgakutereriyi kuti ɀishamiso ɀaŋgu ɀiwanzwe panyika yeEgipita. 10 Mosesi naAroni ʋakaita ɀishamiso ɀiya ɀose pamberi paFarao, asi Jehova wakawomesa mŋoyo waFarao, akasatendera ʋana ʋaIsraeri kubva munyika yake. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society