Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Danieri 6 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Danieri mugomba reshumba.

1 Ɀino Dariusi wakaʋona kuti ɀakanaka kugadza macinda anezana namakumi maʋiri paʋushe bgake, ʋaifanira kuʋa paʋushe bgose;

2 pamsoro paʋo wakagadza ʋakuru ʋatatu, Danieri ari mumŋe waʋo; kuti macinda awa aʋuye namashoko ose kwaʋari, ʋuye kuti mambo arege kutadzirwa.

3 Ɀino Danieri uyu wakapfuʋura ʋamŋe ʋakuru namacinda, nokuti maari makaŋga munomŋeya wakanaka kwaɀo; mambo akaɗa kumuita mukuru woʋushe bgake bgose.

4 Ipapo ʋakuru namacinda ʋakatȿaka mhoȿa yaʋaŋgapomera Danieri pamsoro poʋushe, asi ʋakashaiwa shoko kana mhoȿa, nokuti wakaŋga akatendeka, ʋuye kwakaŋga kusinakutadza kana mhoȿa kwaari.

5 Ɀino ʋarume aʋa ʋakati: Hatiŋgatoŋgowani shoko pamsoro paDanieri uyu, kana tisiŋgamutȿakiri iro pamsoro pomurairo waMŋari wake.

6 Ipapo ʋakuru aʋa namacinda ʋakaʋuŋganira kunamambo ʋari ʋazhinji, ʋakati kwaari: Mambo Dariusi, raramai nokusiŋgaperi.

7 Ʋakuru ʋose ʋoʋushe, naʋarairi namacinda namakurukota namadzishe ʋakaraŋgana kuti mambo aite murairo nokutema cireʋo cakasimba, kuti aninani unokumbira cinhu kunamŋari upi noupi kana munhu upi noupi namazuʋa anamakumi matatu, asi kwamuri, imi mambo, awisirwe mugomba reshumba.

8 Ɀino citemai cireʋo, imi mambo, muise zita renyu parunyoro, kuti cirege kuzoshandurwa, nomurairo waʋaMedia naʋaPersia usiŋgashandurwi.

9 Naiɀoɀo mambo Dariusi akaisa zita rake parunyoro necireʋo.

10 Ɀino Danieri wakati anzwa kuti runyoro rwaiswa zita ramambo, akapinda mumba make (ɀino mawindi ekamuri yake akaŋga akazarurwa acitarira kurutiʋi rweJerusarema); akafugama namabvi ake katatu nezuʋa, akanyeŋgetera nokuʋoŋga pamberi paMŋari wake, seɀaaisiita.

11 Ipapo ʋarume aʋo ʋakaʋuŋgana ʋari ʋazhinji, ʋakawana Danieri acikumbira nokunyeŋgetera pamberi paMŋari wake.

12 Ipapo ʋakasweɗera, ʋakataura pamberi pamambo pamsoro pecireʋo camambo, ʋaciti: Hamuna‐kuisa zita renyu pacireʋo, kuti aninani unokumbira cinhu kunamŋari upi noupi kana munhu upi noupi namazuʋa anamakumi matatu, asi kwamuri, imi mambo, awisirwe mugomba reshumba here? Mambo akataura, akati: Ishoko raɀokwaɗi, nomurairo waʋaMedia naʋaPersia, usiŋgashandurwi.

13 Ɀino ʋakapindura, ʋakati pamberi pamambo: Uya Danieri waʋana ʋaJuda ʋakatapxa, haane‐hanya nemi, imi mambo, kana necireʋo camakaisa zita renyu, asi unokumbira katatu nezuʋa.

14 Ɀino mambo wakati acinzwa mashoko iwayo, akatsamŋa kwaɀo, akafuŋga mano pamŋoyo pake okurwira Danieri; akatambudzika kuȿikira zuʋa riciʋira aciidza kumurwira.

15 Ipapo ʋarume aʋa ʋakaʋuŋganira kunamambo ʋari ʋazhinji, ʋakati kunamambo: Ziʋai imi mambo, kuti ndiwo murairo waʋaMedia naʋaPersia, kuti cireʋo cipi necipi kana murau upi noupi wakatemŋa namambo, haɀiŋgashandurwi.

16 Ipapo mambo wakaraira, ʋakaʋuya naDanieri ʋakamuwisira mugomba reshumba. Mambo akataura, akati kunaDanieri: Mŋari wako waunosishumira ŋguʋa dzose, ucakurwira.

17 Ibge rikaʋuyiswa, rikaiswa pamuromo wegomba, mambo akarisimbisa necindori cake ʋuye necindori camadzishe ake; kuti kurege kuʋa necinhu cimŋe pamsoro paDanieri ciŋgashandurwa.

18 Ipapo mambo akaenda kuimba yake yoʋushe, akaʋata aciɀinyima ɀokudya; kunyaŋge neɀinoridzwa ɀipi neɀipi haɀina‐kuʋuyiswa pamberi pake; hope dzake dzikatiza.

19 Ɀino mambo akafumirisa kwaɀo maŋgwanani, akakasira kuenda kugomba reshumba.

20 Wakati acisweɗera kugomba kunaDanieri, akaɗana nenzwi rokucema; mambo akataura, akati kunaDanieri: Nhai Danieri, iwe muranda waMŋari mupenyu, Mŋari wako waunosishumira ŋguʋa dzose, unesimba rokukurwira pashumba here?

21 Ipapo Danieri akati kunamambo: Imi mambo, raramai nokusiŋgaperi.

22 Mŋari waŋgu wakatuma mutumŋa wake, akadziʋira miromo yeshumba, dzikasandikuʋadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handinemhoȿa, napamberi penyu ʋo, imi mambo, hakune‐cakaipa candakaita.

23 Ipapo mambo akafara ɀikuru kwaɀo, akaraira kuti ʋaɓuɗise Danieri mugomba. Naiɀoɀo Danieri wakaɓuɗiswa mugomba, ʋakashaiwa cose paakakuʋadzwa, nokuti wakaŋga aʋimba naMŋari wake.

24 Ipapo mambo akaraira, ʋakaʋuya naʋaya ʋanhu ʋakaŋga ʋapomera Danieri, ʋakaʋawisira mugomba reshumba, iʋo, naʋana ʋaʋo, naʋakadzi ʋaʋo; shumba dzikaʋakunda, dzikavuna‐vuna mafupa aʋo, ʋacigere kuȿika pasi mugomba.

25 Ipapo Dariusi akanyorera ʋanhu ʋose, namarudzi ose, namarimi ose, ʋagere panyika yose, akati: Rugare ŋgaruwanzwe kwamuri.

26 Ndinotema cireʋo, kuti panyika yose yoʋushe bgaŋgu ʋanhu ʋose ʋaɗeɗere ʋatye pamberi paMŋari waDanieri; nokuti ndiye Mŋari mupenyu, uri’po nokusiŋgaperi, ʋushe bgake haʋuŋgaparadzwi; kuɓata kwake ʋushe kucaʋa’po kuȿikira pakuguma.

27 Ndiye unorwira nokusunuŋgura, ndiye unoita ɀiratidzo neɀishamiso kuɗeŋga napanyika, ndiye wakarwira Danieri pasimba reshumba.

28 Saiɀoɀo Danieri uyu wakagara ɀakanaka pakuɓata ʋushe kwaDariusi napakuɓata ʋushe kwaKoreshi muPersia.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies