Ɀireʋo 1 - Shona BIBLEBasa rezvirevo 1 Zvirevo zvaSoromoni, mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsiraeri. 2 Kuti vanhu vazive uchenjeri nokurairirwa; Nokunzwisisa mashoko enjere; 3 Varairirwe nzira yokungwara, Neyokururama, nokururamisa, nokutendeka; 4 Vasina mano vapiwe kungwara, Jaya ripiwe zivo nokuchenjera; 5 Kuti wakachenjera anzwe, awedzere kudzidza; Nomunhu wenjere awane mano akanaka. 6 Vanzwisise chirevo nomufananidzo, Mashoko avakachenjera nezvirahwe zvavo. Munhu ngaanzvenge vatadzi vanonyengedzera 7 Kutya Jehovha ndiko kuvamba kwezivo; Mapenzi anoshora uchenjeri nokurairirwa. 8 Mwanakomana wangu, inzwa kurairira kwababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako. 9 Nokuti zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako, Nengetani pamutsipa pako. 10 Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikugombedzera, Usatenda iwe. 11 Kana vachiti, “Hendei tose, Ngatirindire ropa; Ngativandire vasina mhosva kunyangwe pasina mhaka. 12 Ngativamedze vari vapenyu seSheori, Vari vakukutu saivo vanoburukira kugomba. 13 Tichawana pfuma yamarudzi mazhinji; Tichazadza dzimba dzedu nezvatakapamba; 14 Iwe uchava mumwe wedu; Tose tichava nechikwama chimwechete.” 15 Mwanakomana wangu, usafamba navo nenzira yavo; Dzora rutsoka rwako panzira yavo; 16 Nokuti tsoka dzavo dzinovangira zvakaipa; Vanokurumidza kudurura ropa. 17 Nokuti mumbure unodzikirwa pasina Shiri dzamarudzi ose dzichizviona. 18 Vanhu ava vanogarira ropa ravo vamene; Vanozvivandira upenyu hwavo. 19 Ndizvo zvakaitawo nzira dzavose vanokarira pfuma; Zvinotorera mwene wazvo upenyu hwake. Uchenjeri hunodana vasina njere 20 Uchenjeri unodanidzira panzira dzomumusha; unonzwisa izwi rahwo panzvimbo dzakafara; 21 Unodana panzvimbo panoungana vazhinji; Pavanopinda pamasuwo, Paguta, ndipo pahunotaura mashoko ahwo, huchiti, 22 “Nhai imi vasina mano, muchada kusava namano kusvikira rinhiko? Nemi vaseki kufarira kuseka kwenyu, Namapenzi kuvenga zivo? 23 Dzokai kana muchinzwa kuraira kwangu, Tarirai ndichadurura mweya wangu pamusoro penyu; Ndichakuzivisai mashoko angu. 24 Zvandakadana, imi mukaramba; Ndikatambanudza ruoko rwangu, kukasava nomunhu akarangarira; 25 Asi makazvidza mano angu ose, Mukaramba chose kuraira kwangu, 26 Naizvozvo neniwo ndichaseka kana mava munhamo yenyu; Ndichakudadirai, kana kutya kwenyu kuchisvika. 27 Kana kutya kwenyu kuchisvika sedutu guru, Nenhamo yenyu ichisvika sechamupupuri; Kana kutambudzika nokudumbirwa zvichikuwirai. 28 Nenguva iyo vachadana kwandiri, asi handingapinduri; Vachanditsvaka zvikuru, asi havangandiwani. 29 Zvavakavenga zivo, Vakasazvitsaurira kutya Jehovha, 30 Vakaramba mano angu ose, Vakashora kuraira kwangu kwose, 31 Naizvozvo vachadya zvibereko zvenzira yavo; Vachagutswa namano avo. 32 Nokuti kudzokera shure kwavasina mano kuchavauraya, Kusava nehanya kwamapenzi kuchavaparadza. 33 Asi ani naani anonditeerera achagara zvakasimba, Achagadzikana, asingatyi zvakaipa.” |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe