Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Nehemia 1 - Shona BIBLE


Nehemiya anonyengeterera VaIsiraeri vari Jerusaremu

1 Mashoko aNehemiya mwanakomana waHakaria. Pamwedzi weKisirevhi, pagore ramakumi maviri, ndakati ndiri panhare yamambo paSusa,

2 Hanani, mumwe wehama dzangu, akasvika iye navamwe varume, vachibva kwaJudha; ndikavabvunza pamusoro pavaJudha vakanga vapukunyuka, vakanga vasara pakutapwa, napamusoro peJerusaremu.

3 Vakati kwandiri, “Vakasara, vakasiyiwa pakutapwa panyika iyo, vari pakutambudzika kukuru napakushorwa; uye rusvingo rweJerusaremuwo rwakoromoka, namasuwo aro apiswa nomoto.”

4 Zvino ndakati ndanzwa mashoko iwayo, ndikagara pasi ndikachema, ndikaita mazuva ndichichema; ndikazvinyima zvokudya, ndikanyengetera pamberi paMwari wokudenga,

5 ndikati, “Ndinokumbira kwamuri Jehovha Mwari wokudenga, Mwari mukuru anotyisa, iye anorangarira sungano yake netsitsi kuna vanomuda vachichengeta mirairo yake;

6 nzeve yenyu ngaiteerere zvino, nameso enyu asvinure, munzwe munyengetero womuranda wenyu, wandinonyengetera pamberi penyu, nguva ino, masikati nousiku, pamusoro pavana VaIsiraeri varanda venyu, ndichireurura zvivi zvavana VaIsiraeri, zvatakakutadzirai nazvo; nokuti takatadza, ini naveimba yababa vangu.

7 Takakuitirai zvakaipa kwazvo, hatina kuchengeta mirairo, kana zvakatemwa, kana zvakatongwa, zvamakaraira muranda wenyu Mosesi.

8 Dorangarirai henyu shoko ramakaraira muranda wenyu Mosesi, muchiti, ‘Kana muchidarika, ndichakuparadzirai pakati pendudzi;

9 asi kana mukadzokera kwandiri, mukachengeta mirairo yangu nokuiita, kunyangwe vadzingwa venyu vasvika kumagumisiro okudenga, ndichavaunganidza vabve ipapo, ndivaise panzvimbo yandakatsaura kuti zita rangu rigarepo.’

10 “Zvino ava ndivaranda venyu navana venyu, vamakadzikinura nesimba renyu guru, noruoko rwenyu rune simba.

11 Haiwa, Jehovha, ndinokumbira kuti nzeve yenyu iteerere kunyengetera kwomuranda wenyu nokunyengetera kwavaranda venyu vanofarira kutya zita renyu; fambisai henyu muranda wenyu zvakanaka nhasi, mumuwanise tsitsi pamberi pomunhu uyu.” (Zvino ini ndakanga ndiri mudiri wamambo.)

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies