Nahumi 1 - Shona BIBLEJehovha anotsiva vavengi vake, asi anoruramisira vanhu vake 1 “Chirevo chaMwari pamusoro peNinivha. Bhuku yezvakaonekwa naNahumi muErikoshi. 2 “Jehovha ndiye Mwari ane godo, anotsiva; Jehovha anotsiva, azere nehasha; Jehovha anotsiva vadzivisi vake, anochengetera vavengi vake hasha dzake. 3 Jehovha haakurumidzi kutsamwa, une simba guru, haangatongopembedzi ane mhosva; nzira yaJehovha iri pakati pechamupupuri nedutu, makore iguruva retsoka dzake. 4 Anotuka gungwa, achiri omesa, anopwisa nzizi dzose; Bhashani rinoshaiwa simba, uye Karimeri, ruva reRebhanoni rinoshaiwa simba. 5 Makomo anodedera pamberi pake, zvikomo zvinonyauka; nyika inosimuka pamberi pake, zvirokwazvo, iyo nyika yavose vagerepo. 6 Ndiani angamira pamberi pehasha dzake? Ndiani angaramba amire pakutsamwa kwake kukuru? Hasha dzake dzakadururwa somoto, matombo akaputsanyiwa naye. 7 Jehovha akanaka, inhare nezuva rokutambudzika; iye anoziva vanotizira kwaari. 8 Asi achaparadza kwazvo nzvimbo yeguta nemvura inokukura, achidzingana navavengi vake kusvikira murima. 9 Munorangarireiko pamusoro paJehovha? Iye achaparadza chose; nhamo haingamukizve rwechipiri. 10 Nokuti kunyangwe kupindana-pindana seminzwa, kana kuita savakabatwa nezvavakanwa, vachaparadzwa chose samashanga akaoma. 11 “Mumwe akabuda pakati penyu anorangarira zvakaipa pamusoro paJehovha, anorangana zvisina maturo. 12 Zvanzi naJehovha, ‘Kunyangwe vane simba ravo rose, vakawandawo, kunyangwe zvakadaro vachatemwa, iye achaparara. Kunyangwe ndakakutambudzai, handingazokutambudziyizve.’ 13 Zvino ndichavhuna joko rake, ribve kwamuri, ndichadamburanya zvisungo zvenyu. 14 “Jehovha akaraira pamusoro penyu, kuti vezita renyu varege kuzodyarwazve; mumba mavamwari venyu ndichaparadza zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa; ndichakuchererai hwiro; nokuti makashata kwazvo. 15 “Tarirai pamakomo tsoka dzounouya namashoko akanaka, anoparidza rugare! Itai mitambo yenyu, imi Judha, itai zvamakapika, nokuti akaipa haangazopfuurizve napakati penyu; akaparadzwa chose. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe