Mupiro 1 - Shona BIBLEMirairo yezvipiriso zvinopiswa 1 Zvino Jehovha akadana Mosesi, akataura naye ari mutende rokusangana, akati, 2 “Taura navana VaIsiraeri, uti, kwavari, ‘Kana mumwe wenyu achida kuvigira Jehovha chipo chake, munofanira kumuvigira zvipo zvenyu zvezvipfuwo, kana zvemombe kana zvamakwai.’ 3 “Kana chipo chake chiri chipiriso chinopiswa chemombe, anofanira kuvigira mukono asina chipomerwa; ngaachibayire pamukova wetende rokusangana, kuti agamuchirwe pamberi paJehovha. 4 Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chinopiswa, kuti chigamuchirwe panzvimbo yake, chimuyananisire. 5 Ngaabaye nzombe pamberi paJehovha, vanakomana vaAroni, vapristi, vagouya neropa, vasase ropa kunhivi dzose dzeatari, iri pamukova wetende rokusangana. 6 Zvino ngaavhiye chipiriso chinopiswa, nokuchigura–gura. 7 “Zvino vanakomana vaAroni, mupristi, ngavaise moto paatari, nokugadzirawo huni pamusoro pomoto. 8 Ipapo vanakomana vaAroni, vapristi, vanofanira kugadzira nhindi, nomusoro, namafuta pamusoro pehuni dziri pamoto uri pamusoro peatari. 9 Asi ngaasuke hura hwacho namakumbo acho nemvura, mupristi agopisa zvose paatari, chive chipiriso chinopiswa, chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha. 10 “Kana chipo chake chiri chipiriso chinopiswa chezvipfuwo zviduku zvamakwai kana mbudzi, anofanira kuvigira mukono asina chipomerwa. 11 “Ngaachibaye parutivi rweatari nechokumusoro pamberi paJehovha; zvino vanakomana vaAroni, vapristi, vanofanira kusasa ropa racho kunhivi dzose dzeatari. 12 Ipapo anofanira kugura–gura nhindi pamwechete nomusoro wacho namafuta acho, mupristi agozvigadzira pamusoro pehuni dziri pamoto pamusoro peatari. 13 Asi ura namakumbo ngaazvisuke nemvura, mupristi agozvibayira zvose, nokuzvipisira paatari, kuti chive chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha. 14 “Kana chipo chake kuna Jehovha chiri chipiriso chinopiswa cheshiri, ngaavigire chibayiro chake chenjiva, kana twana twenjiva. 15 Zvino mupristi anofanira kuchiisa paatari, agodonhedzera ropa racho parutivi rweatari; 16 zvino anofanira kutora chihururu chayo neminhenga yayo, ndokuzvirasa kurutivi rweatari kumabudazuva kunoraswa madota. 17 Ipapo anofanira kuibvambura namapapiro ayo asingaiparadzanisi, mupristi agoipisa paatari pamusoro pehuni dziri pamoto; icho chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe