Mariko 1 - Shona BIBLEJohani Mubhabhatidzi ( Mat 3:1–12 ; Ruka 3:1–18 ; Johan 1:19–38 ) 1 Kutanga kweVhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari. 2 Sezvazvakanyorwa mumuporofita Isaya zvichinzi, “Tarira, ‘Ndinotuma munyai wangu pamberi pako,’ Achakunatsira nzira yako; 3 Izwi raanodana murenje, ‘Gadzirai nzira yaIshe, Ruramisai migwagwa yake.’ ” 4 Johani akauya achibhabhatidza murenje, achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti vanhu varegererwe zvivi zvavo. 5 Nyika yose yeJudhiya, navanhu veJerusaremu vose vakaenda kwaari, vakabhabhatidzwa naye muna Jodhani, vachireurura zvivi zvavo. 6 Johani akanga akapfeka nguo yamakushe engamera, nebhandi reganda muchiuno chake; aidya mhashu nouchi hwesango. 7 Akaparidza, achiti, “Shure kwangu kunouya mumwe ane simba kupfuureni, wandisino kufanira kukotama kuti ndisunungure rukanda rweshangu dzake. 8 Ini ndakakubhabhatidzai nemvura, asi iye achakubhabhatidzai naMweya Mutsvene.” Kubhabhatidzwa kwaJesu ( Mat 3:13–17 ; Ruka 3:1 , 22 ) 9 Namazuva iwayo Jesu akabva Nazareta muGareriya, akabhabhatidzwa naJohani muna Jodhani. 10 Pakarepo achibuda mumvura, akaona denga richizarurwa, naMweya achiburukira pamusoro pake senjiva; 11 izwi rikabva kudenga, richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu mudiwa, ndinokufarira.” Kuedzwa kwaJesu ( Mat 4:1–11 ; Ruka 4:1–13 ) 12 Pakarepo Mweya akamubudisira kurenje; 13 akava murenje mazuva makumi mana, achiedzwa naSatani; akagara nezvikara, vatumwa vakamushumira. Jesu anodana vadzidzi vokutanga ( Mat 4:12–22 ; Ruka 4:14 , 15 ; 5:1–11 ) 14 Johani akati asungwa, Jesu akasvika Gareriya, achiparidza Vhangeri yaMwari, 15 achiti, “Nguva yazadziswa, ushe hwaMwari hwaswedera pedyo; tendeukai, mutende Vhangeri.” 16 Akati achifamba pagungwa reGareriya, akaona Simoni, naAndireya, munun'una waSimoni, vachikandira usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove. 17 Jesu akati kwavari, “Nditeverei, kuti ndikuitei vabati vavanhu.” 18 Vakasiya usvasvi hwavo pakarepo, vakamutevera. 19 Akati apfuura zvishoma, akaona Jakobho, mwanakomana waZebhedhi, naJohani munun'una wake, vachigadzira usvasvi muigwa. 20 Akavadana pakarepo, vakasiya baba vavo Zebhedhi muigwa navaranda, vakamutevera. Jesu anoporesa munhu aiva nomweya wakaipa paKapenaume ( Ruka 4:31–37 ) 21 Vakapinda Kapenaume; pakarepo nomusi weSabata akapinda musinagoge, akadzidzisa. 22 Vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane chiremera, asingaiti savanyori. 23 Zvino musinagoge ravo makanga muno munhu akanga anomweya wakaipa, akadanidzira, 24 achiti, “Tine mhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani; muri Mutsvene waMwari.” 25 Zvino Jesu akamuraira; akati, “Nyarara, ubude kwaari!” 26 Mweya wakaipa akamubvundisa, ndokudanidzira nezwi guru, ndokubuda kwaari. 27 Vakatya zvikuru vose, nokudaro vakaita nyaya, vachiti, “Chiiko ichi? Kudzidzisa kutsva kune simba! Anoraira kunyangwe nemweya yakaipa ikamuterera.” 28 Pakarepo mukurumbira wake ukanzwika panyika yose yakapoteredza yeGareriya. Jesu anoporesa vambuya vaPetirosi, navamwe ( Mat 8:14–17 ; Ruka 4:38–44 ) 29 Pakarepo vakati vachibva musinagoge, vakapinda mumba maSimoni naAndireya, Jakobho naJohani vanavo. 30 Vambuya vaSimoni vakanga vavete vachirwara nefivha; pakarepo vakamuudza izvozvo. 31 Akaenda, akavabata noruoko, akavamutsa; fivha ikavarega, vakavashandira. 32 Madekwana, zuva ravira, vakaisa kwaari vose vakanga vachirwadziwa, navakanga vakabatwa nemweya yakaipa. 33 Guta rose rakanga raungana pamusuwo. 34 Akaporesa vazhinji vakanga vachirwadziwa namarudzi ehosha, akabudisa mweya yakaipa mizhinji; asi akanga asingatenderi mweya yakaipa kutaura, nokuti yakanga ichimuziva. 35 Mangwanani kuchine rima, akamuka akabuda, akaenda kunzvimbo murenje, akandonyengeterapo. 36 Simoni, navakanga vanaye, vakamutevera. 37 Vakamuwana, vakati kwaari, “Vose vanokutsvakai.” 38 Akati kwavari, “Ngatiende kumwe, kumisha iri pedyo, kuti ndinoparidza ikokowo, nokuti ndizvo zvandakauyira.” 39 Akaenda, akaparidza mumasinagoge avo muGareriya rose achibudisa mweya yakaipa. Jesu anoporesa munhu ana maperembudzi ( Mat 8:1–4 ; Ruka 5:12–16 ) 40 Zvino munhu aiva namaperembudzi akauya kwaari, akakumbira zvikuru kwaari, ndokupfugama pamberi pake, akati kwaari, “Kana muchida henyu, munogona kundinatsa.” 41 Akamunzwira ngoni, akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati kwaari, “Ndinoda, chinatswa.” 42 Pakarepo maperembudzi akabva kwaari, akanatswa. 43 Zvino akamurayira kwazvo, akamuendesa pakarepo. 44 Akati kwaari, “Chenjera kuti urege kuudza munhu chinhu; asi enda uzviratidze kumupristi, ubayire pamusoro pokunatswa kwako zvakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.” 45 Asi iye akabuda, akatanga kuzviudza vanhu vazhinji, nokuparidzira shoko iro, nokudaro Jesu akanga asingagoni kupinda muguta pachena, asi akanga ari kunze panzvimbo murenje; vakauya kwaari vachibva kumativi ose. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe