Mapisarema 8 - Shona BIBLEKukudzwa kwomunhu naJehovha Kumutungamiriri wokuimba; neGititi. Pisarema raDhavhidhi. 1 Haiwa Jehovha, Ishe wedu, Zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Makaisa umambo hwenyu kudenga. 2 Pamiromo yavacheche navanoyamwa makaisa simba, Nokuda kwavadzivisi venyu, Kuti munyaradze muvengi nomutsivi. 3 Kana ndichicherechedza denga renyu rose, iro basa reminwe yenyu, Mwedzi nenyenyedzi zvamakarongedza; 4 Munhu chiiko, zvamunomufunga? NoMwanakomana womunhu zvamunomushanyira? 5 Nokuti makamuita muduku zvishoma kuna Mwari, Makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa. 6 Makamubatisa ushe hwamabasa amaoko enyu; Makaisa zvose pasi petsoka dzake. 7 Makwai ose nenzombe, Nemhuka dzesango; 8 Neshiri dzokudenga, nehove dzegungwa, Izvo zvose zvinofamba nenzira dzegungwa. 9 Haiwa Jehovha, Ishe wedu, Zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe