Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 6 - Shona BIBLE


Dhavhidhi anochema zvivi zvake
Kumutungamiriri wenziyo; nemitengeranwa, namazwi avarume. Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu, Musandirova nokusafara kwenyu kukuru.

2 Ndinzwirei nyasha, Jehovha; nokuti ndaonda; Ndiporesei, Jehovha; nokuti mapfupa angu anotambudzika.

3 Mweya wangu unotambudzikawo zvikuru; Asi imi Jehovha, muchanonoka kusvikira rinhiko?

4 Dzokai Jehovha, murwire mweya wangu; Ndiponesei nokuda kwounyoro hwenyu.

5 Nokuti parufu hapana achakurangarirai; Ndiani achakuvongai paSheori?

6 Ndaneta nokugomba kwangu; Usiku humwe nohumwe ndinoshambirisa nhoo dzangu; Ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi yangu.

7 Ziso rangu rapera nokuchema, Rinosakara nokuda kwavadzivisi vangu.

8 Ibvai kwandiri, imi vabati vose vezvakaipa; Nokuti Jehovha akanzwa izwi rokuchema kwangu.

9 Jehovha akanzwa kukumbira kwangu; Jehovha achagamuchira munyengetero wangu.

10 Vavengi vangu vose vachanyadzwa nokutambudzika zvikuru; Vachadzoka, vachanyadzwa pakarepo.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies