Mapisarema 5 - Shona BIBLEDhavhidhi anokumbira kuti afambiswe zvakanaka pakati pavavengi vake Kumutungamiriri wenziyo; nenyere. Pisarema raDhavhidhi. 1 Inzwai mashoko angu, Jehovha, Rangarirai kufunga kwomwoyo wangu. 2 Teererai izwi rokuchema kwangu, imi Mambo wangu, naMwari wangu; Nokuti ndinonyengetera kwamuri. 3 Jehovha, muchanzwa izwi rangu mangwanani; Mangwanani ndichakurongedzerai munyengetero wangu, ndichirindira. 4 Nokuti hamuzi Mwari anofarira zvakaipa, Munhu, akashata, haangagari nemi. 5 Munhu, anozvikudza, haangamiriri pamberi penyu; Munovenga vose vanoita zvakaipa. 6 Muchaparadza vanoreva nhema; Jehovha anosema munhu anoteura ropa neanonyengera. 7 Asi kana ndirini, ndichapinda mumba menyu nokuwanda kwounyoro hwenyu, Ndichanamata ndakaringira kutemberi yenyu tsvene ndichikutyai. 8 Ndifambisei, Jehovha, mukururama kwenyu nokuda kwavavengi vangu; Gadzirai nzira yenyu pamberi pangu. 9 Nokuti hapana kutendeka pamiromo yavo; Mukati mavo makashata shata; Huro dzavo hwiro hwakashama; Vanobata kumeso norurimi rwavo. 10 Muvape mhosva, Jehovha; Ngavawe namano avo; Muvadzinge nokuda kwokuwanda kwokudarika kwavo; Nokuti vakakumukirai. 11 Asi vose vanovimba nemi ngavafare, Ngavadanidzire nomufaro nguva dzose, nokuti imi munovadzitira; Vose vanoda zita renyu ngavafare nemi. 12 Nokuti mucharopafadza akarurama; Imi Jehovha, muchamukomberedza nenyasha senhoo. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe