Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 14 - Shona BIBLE


Vanhu vose vakashata
Kumutungamiriri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Benzi rakati mumwoyo maro, “Mwari haako.” Vakaora, vakabata mabasa anonyangadza; Hapana anoita zvakanaka.

2 Jehovha ari kudenga, akatarira pasi kuvana vavanhu, Kuti aone kana akachenjera aripo, Anotsvaka Mwari.

3 Vakatsauka vose, vakasvibiswa pamwechete; Hapana anoita zvakanaka, kunyangwe nomumwe.

4 Ko vaiti vose vezvakaipa havana zivo here? Ivo vanodya vanhu vangu sezvavanodya chingwa, Vasingadani kuna Jehovha.

5 Vakanga vachitya zvikuru ipapo; Nokuti Mwari anogara parudzi rwavakarurama.

6 Munonyadzisa zano romurombo, Asi Jehovha ndiye utiziro hwake.

7 Dai kuponeswa kwaIsiraeri kwaibva paZioni! Kana Jehovha achidzosa vanhu vake pakutapwa, Ipapo Jakobho achafarisisa kwazvo, naIsiraeri achafara.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies