Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 12 - Shona BIBLE


Dhavhidhi anotsvaka kubatsirwa naMwari, nokuti vanhu vanyengeri
Kumutungamiriri wokuimba; namazwi avarume. Pisarema raDhavhidhi.

1 Batsirai, Jehovha; nokuti vanoda Mwari vopera; Nokuti vakatendeka havachipo pakati pavana vavanhu.

2 Vanotaura mumwe nomumwe zvisina maturo nowokwake; Vanotaura nomuromo unobata kumeso, uye nemwoyo miviri.

3 Jehovha achagura miromo yose inobata kumeso, Norurimi runotaura zvinhu zvikuru;

4 Ivo vakati, “Tichakunda norurimi rwedu; Miromo yedu ndeyedu; ndianiko angava ishe wedu?”

5 “Nokuda kwokumanikidzwa kwavarombo, nokugomera kwavanoshaiwa, Ndichamuka zvino nokuda kwaizvozvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha; Ndichamuisa pakasimba ipo paanoshuva.

6 Mashoko aJehovha mashoko akachena; Sesirivha yakaidzwa mubisiro panyika, Yakanatswa kanomwe.

7 Muchavachengeta, Jehovha, Muchavachengeta parudzi urwu nokusingaperi.

8 Vakaipa vanofamba pamativi ose, Kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanakomana vavanhu.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies