Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Jobho 1 - Shona BIBLE


Jobho munhu akarurama

1 Kwakanga kuno munhu panyika yeUzi, ainzi Jobho; munhu uyu akanga akakwana, akarurama, aitya Mwari achinzvenga zvakaipa

2 Iye wakaberekerwa vanakomana vanomwe navakunda vatatu.

3 Uye pfuma yake yakasvika makwai ane zviuru zvinomwe, nengamera zviuru zvitatu, nemombe dzakaringana majoko ana mazana mashanu, namakadzi embongoro ana mazana mashanu, navanhu vazhinji paimba yake; naizvozvo munhu uyu akanga ari mukuru pakati pavana vamabvazuva.

4 Vanakomana vake vaisienda kundoita mutambo paimba yomumwe nomumwe wavo pazuva rake; vaituma kundodana hanzvadzi dzavo nhatu kuzodya nokunwa navo.

5 Zvino kana mazuva okutamba kwavo apera Jobho aituma nhume kuvadana vanatswe, zvino iye ndokumuka mangwanani, ndokupisa zvipiriso zvinopiswa zvaivaringanira vose; nokuti Jobho wakati, “Zvimwe vanakomana vangu vakatadza, vakashora Mwari pamwoyo yavo;” Jobho aisidaro nguva dzose.


Satani anotenderwa kuedza Jobho

6 Zvino rimwe zuva vanakomana vaMwari vakati vachindomira pamberi paJehovha, Satani akasvikawo pakati pavo.

7 Jehovha akati kuna Satani, “Wabvepiko?” Satani akapindura Jehovha, akati, “Ndabva pakupota–pota nenyika, napakufamba–famba pairi.”

8 Jehovha akati kuna Satani, “Wacherechedza muranda wangu Jobho here? Nokuti hakuna munhu akafanana naye panyika, munhu akakwana, akarurama, anotya Mwari, achinzvenga zvakaipa.”

9 Ipapo Satani akapindura Jehovha, akati, “Jobho anotya Mwari pasina here?

10 Hamuna kumupoteredza here norumhanda, iye neimba yake, nezvose zvaanazvo, pamativi ose? Makaropafadza mabasa amaoko ake, uye pfuma yake yakawanda panyika.

11 “Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu, zvino, murove zvose zvaanazvo, ipapo iye achakushorai pachena.”

12 Jehovha akati kuna Satani, “Tarira, zvose zvaanazvo zviri paruoko rwako; asi usatambanudzira ruoko rwako kwaari.” Naizvozvo Satani akabva pamberi paJehovha.

13 Zvino rimwe zuva vanakomana vake navanasikana vake vakati vachidya nokunwa waini paimba yomukuru wavo,

14 nhume ikasvika kuna Jobho, ikati, “Mombe dzakanga dzichirima, nembongoro dzichichera kurutivi rwadzo,

15 vaSabea vakadziwira, ndokudzitora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndakapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.”

16 Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, “Moto waMwari wakabva kudenga, ukapisa makwai navafudzi, ukavapedza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.”

17 Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, “VaKaradhia vakaita mapoka matatu, vakawira ngamera, vakadzitora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.”

18 Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, “Vanakomana venyu navanasikana venyu vakanga vachidya nokunwa waini mumba momukuru wavo,

19 dutu guru ndokubva kurutivi rwerenje, ndokurova pamusoro pavana, vakafa; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.”

20 Ipapo Jobho akasimuka, akabvarura nguo yake, akaveura vhudzi rake akazviwisira pasi, akanamata,

21 akati, “Ndakabuda mumimba mamai vangu ndiri mushwi, ndichadzokerapo ndiri muhwi; Jehovha akapa, Jehovha wakatora, zita raJehovha ngarikudzwe.”

22 Pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza, haana kuti Mwari akaita noupenzi.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies