Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Isaya 1 - Shona BIBLE


Jehovha anoraira vanhu vake nokuti vakasiya nzira dzake

1 Zvakaonekwa naIsaya, mwanakomana waAmozi, zvaakaona pamusoro paJudha neJerusaremu, pamazuva aUziya, naJotamu, naAhazi, naHezekiya, madzimambo avaJudha.

2 Inzwa denga rose, teerera iwe nyika, nokuti Jehovha akataura, achiti, “Ndakarera nokukurisa vana, asi vakandimukira.

3 Nzombe inoziva muridzi wayo, nembongoro inoziva chidyiro chavatenzi vayo; asi VaIsiraeri havazivi, vanhu vangu havarangariri.”

4 Haiwa, rudzi runotadza, vanhu vakaremerwa nezvakaipa, vana vavaiti vezvakaipa, vana vanoita zvakaora! Vakasiya Jehovha, vakashora Mutsvene waIsiraeri, vadzokera shure.

5 Munoda kugara muchiroverweiko, zvamunongoramba muchimukira Jehovha? Musoro wose unorwadza, nomwoyo wose waziya.

6 Kubvira parutsoka kusvikira kumusoro hapana pakukutu pauri; asi maronda, napakakuvara, namavanga matsva, haana kusvinwa, haana kuputirwa, kana kunyoreveswa namafuta.

7 Nyika yenyu yaparadzwa, maguta enyu apiswa nomoto, nyika yenyu yopedzwa navatorwa imi muripo, yaparadzwa, sezvinoparadza vatorwa.

8 Mukunda weZioni wasiyiwa sedumba mumunda wemizambiringa, sechirindo mumunda wamagaka, seguta rakakombwa nehondo.

9 Dai Jehovha wehondo asina kutisiyira vakasara vashoma–shoma, tingadai takafanana neSodhoma, takaita seGomora.

10 Inzwai shoko raJehovha, imi vabati veSodhoma; teererai murairo waMwari wedu, imi vanhu veGomora.

11 Zvanzi naJehovha, “Zvibairo zvenyu zvizhinji zvinondibatsirei? Ndagutisa zvipiriso zvenyu zvinopiswa zvamakondobwe, namafuta ezvipfuwo zvakakodzwa; handifadzwi neropa renzombe, kana ramakwayana, kana renhongo.

12 Kana muchiuya kuzondiona, ndianiko anoreva izvozvo pamaoko enyu, kuti mutsike mavazhe angu?

13 Musazouyazve nezvipo zvisina maturo; zvinonhuwira zvinondinyangadza; nguva dzokugara kwomwedzi nedzamaSabata, nedzokukokera ungano, handizvidi; zvakaipa, kunyangwe neungano tsvene.

14 “Nguva dzenyu dzokugara kwomwedzi nemitambo yenyu zvinovengwa nomweya wangu; zvinondinetsa; ndaneta nokutambudzika nazvo.

15 “Kana muchitambanudza maoko enyu, ndichakuvanzirai chiso changu; zvirokwazvo, kana muchiwanza minyengetero, handinganzwi; maoko enyu azere neropa

16 Shambai; muzvinatse; bvisai zvakaipa zvamabasa enyu pamberi pangu; regai kuramba muchiita zvakaipa;

17 dzidzai kuita zvakanaka; tsvakai kururamisira, batsirai vanomanikidzwa, ruramisirai nherera, mureverere chirikadzi.”

18 “Chiuyai zvino, titaurirane, ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyangwe zvivi zvenyu zvikaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando; kunyangwe zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.

19 “Kana muchida, muchiteerera, muchadya zvakanaka zvenyika;

20 asi kana muchiramba, muchindimukira, muchaparadzwa nomunondo; nokuti muromo waJehovha akataura izvozvo.”

21 Haiwa, guta rakatendeka rashanduka chifeve sei! Iro rakanga rizere noruenzaniso! Kururama kwaigara mariri, asi zvino mogara vaurayi.

22 Sirivha yako ava marara, waini yako yakavhenganiswa nemvura.

23 Machinda ako akamukira Jehovha, ishamwari dzembavha; mumwe nomumwe anoda fufuro, anovinga mibairo; havaruramisiri nherera, mhaka yechirikadzi haitambwi navo.

24 Saka zvanzi naShe, Jehovha wehondo, iye Wamasimba waVaIsiraeri, “Ndichapedza shungu dzangu pamusoro pavadzivisi vangu, ndichazvitsivira pamusoro pavavengi vangu;

25 ndichatambanudza ruoko rwangu kwauri, ndinatse chose marara ako, ndichabvisa tini yako.

26 “Ndichadzosera vatongi vako vave sapakutanga, namakurukota ako sapakutanga; shure kwaizvozvo uchanzi Guta rokururama, musha wakatendeka.”

27 Zioni richadzikinurwa nokururamiswa, navanodzoka mariri nokururama.

28 Asi vadariki navatadzi vachaparadzwa pamwechete, vanosiya Jehovha, vachapedzwa.

29 Nokuti vachanyadziswa pamusoro pemiti yemiouki yamaifarira, muchava nenyadzi pamusoro peminda yamakasanangura.

30 Nokuti muchava somouki wasvava mashizha, uye somunda usine mvura.

31 Ane simba achava setambo, nebasa rake sesasaradzi dzomoto; zvose zviviri zvichatsva pamwechete, hakuna angazvidzimura.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies