Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 27 - Shona Bible 1949 revised 2002


Mirairo yokugarisa nhaka

1 Zvino vanasikana vaZerofehadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wemhuri dzaManase, mwanakomana waJosefa, vakaswedera kuna Mosesi; ndiwo mazita avanasikana vake: Mara, naNoa, naHogira, naMirika, naTiriza;

2 vakamira pamberi paMosesi napamberi paEreazari mupristi, napamberi pamachinda neungano yose, pamukova wetende rokusangana, vakati,

3 “Baba vedu vakafira murenje, asi vakanga vasi pakati peboka ravaya vakaungana kuzorwa naJehovha, veboka raKora; vakafira havo muzvivi zvavo, vasina vanakomana.

4 Zvino zita rababa vedu richabvisirweiko pakati pemhuri yavo, nokuti vakanga vasina vanakomana? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu.”

5 Mosesi akaisa shoko ravo pamberi paJehovha.

6 Jehovha akataura naMosesi, akati,

7 “Vanasikana vaZerofehadhi vanotaura kwazvo; zvirokwazvo, unofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo; unofanira kuvagarisa nhaka yababa vavo.

8 Zvino unofanira kutaura navana vaIsiraeri, uchiti, ‘Kana munhu akafa asina mwanakomana, munofanira kugarisa mwanasikana wake nhaka yake.

9 Kana asina mwanasikana, munofanira kupa vakuru vake navanun’una vake nhaka yake.

10 Kana asina vakuru kana vanun’una, munofanira kupa vakuru kana vanun’una vababa vake nhaka yake.

11 Kana baba vake vasina vakuru kana vanun’una, munofanira kupa hama yake yomumba nhaka yake, ive yake.’ Unofanira kuva mutemo wokutonga nawo pakati pavana vaIsiraeri,” sezvakarairwa Mosesi naJehovha.


Joshua muteveri waMosesi

12 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Kwira pagomo iri reAbharimu, uone nyika yandakapa vana vaIsiraeri.

13 Ipapo kana waiona, newewo uchasanganiswa navanhu vako, sezvakasanganiswa mukuru wako Aroni;

14 nokuti makaramba shoko rangu murenje reZini, panguva yokurwa kweungano, mukarega kunditsaura pamberi pavo pamvura.” (Ndiyo mvura yeMeribha paKadheshi, murenje reZini.)

15 Zvino Mosesi akataura naJehovha, akati,

16 “Jehovha, Mwari wemweya yavanhu vose, ngaagadze murume paungano iyi,

17 achabuda pamberi pavo, nokupinda pamberi pavo, angavabudisa nokuvapinza; kuti ungano yaJehovha irege kuva samakwai asina mufudzi.”

18 Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tora Joshua, mwanakomana waNuni, murume uno mweya mukati make, uise ruoko rwako pamusoro pake.

19 Umuise pamberi paEreazari mupristi, napamberi peungano yose, ugomurairira pamberi pavo.

20 Uise pamusoro pake zvoukuru hwako, kuti ungano yose yavana vaIsiraeri imuteerere.

21 Iye anofanira kumira pamberi pomupristi Ereazari, iye amuunzire pamberi paJehovha nokutonga kweUrimi; nokuraira kwake, vanofanira kubuda, nokuraira kwake, vanofanira kupinda, iye pamwechete navana vaIsiraeri vose, ungano yose.”

22 Mosesi akaita sezvaakarairwa naJehovha; akatora Joshua, akamuisa pamberi pemupristi Ereazari, napamberi peungano yose;

23 akaisa maoko ake pamusoro pake, akamurairira, sezvakataura Jehovha nomuromo waMosesi.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies