Numeri 25 - Shona Bible 1949 revised 2002VaIsiraeri vanoita upombwe nokunamata zvifananidzo paShitimu 1 Zvino vaIsiraeri vakagara paShitimu, vanhu vakatanga kuita upombwe navanasikana vaMoabhu; 2 nokuti vakadana vanhu vauye kuzvibayiro zvavamwari vavo; vanhu vakadya, vakapfugamira vamwari vavo. 3 VaIsiraeri vakazvisunganidza naBhaari‐peori; Jehovha akatsamwira Isiraeri kwazvo. 4 Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tora vakuru vose vavanhu, uvasungirire masikati makuru pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kukuru kwaJehovha kudzorwe kuna Isiraeri.” 5 Mosesi akati kuvatongi vaIsiraeri, “Mumwe nomumwe wenyu ngaauraye vanhu vake vakazvisunganidza naBhaari‐peori.” 6 Zvino onei mumwe murume wavana vaIsiraeri akauya kuhama dzake nomukadzi muMidhiani, Mosesi neungano yose yavana vaIsiraeri vachizviona, ivo vari pakuchema pamukova wetende rokusangana. 7 Zvino Pinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana womupristi Aroni, akati achizviona, akasimuka, akabuda pakati peungano ane pfumo muruoko rwake, 8 akatevera murume uyo muIsiraeri mukati metende, akavabaya nepfumo nomudumbu, ivo vaviri, murume muIsiraeri nomukadzi; naizvozvo denda rakaguma pakati pavana vaIsiraeri. 9 Vose vakanga vafa nedenda iro vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvina. 10 Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, 11 “Pinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, adzora kutsamwa kwangu kuvana vaIsiraeri; nokuti akanga ane shungu pakati pavo, dzakafanana neshungu dzangu, naizvozvo handina kuparadza vana vaIsiraeri neshungu dzangu. 12 Naizvozvo uti, ‘Tarira, ndinomupa sungano yangu yorugare, 13 ichava kwaari nokuvana vake vanomutevera kuti akanga ane shungu nokuda kwaMwari wake, akayananisira vana vaIsiraeri.’ ” 14 Zita romurume uyo muIsiraeri akaurawa, iye wakaurawa pamwechete nomukadzi muMidhiani, rakanga riri Zimiri, mwanakomana waSaru, muchinda weimba yamadzibaba pakati pavaSimeoni. 15 Zita romukadzi muMidhiani akaurawa, rakanga riri Kozibhi, mwanasikana waZuri; iye akanga ari mukuru wavanhu weimba yamadzibaba pavaMidhiani. 16 Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, 17 “Vambana navaMidhiani, uvaparadze; 18 nokuti ivo vakavambana nemi namano avo, avakakunyengerai nawo pane zvakaitwa naPeori nezvakaitwa naKozibhi, mwanasikana womuchinda wavaMidhiani, hanzvadzi yavo, akaurawa nomusi wedenda nokuda kwezvakaitwa naPeori.” |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe