Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 23 - Shona Bible 1949 revised 2002

1 Zvino Bharamu akati kuna Bharaki, “Ndivakire pano atari nomwe, undigadzirire pano nzombe nomwe namakondohwe manomwe.”

2 Bharaki akaita sezvakataura Bharamu; Bharaki naBharamu vakabayira paatari imwe neimwe nzombe imwe negondohwe rimwe.

3 Zvino Bharamu akati kuna Bharaki, “Chimira iwe pachipiriso chako chinopiswa, asi ini ndichaenda; zvimwe Jehovha achauya kuzosangana neni; zvose zvaanondiratidza, ndichakuudza izvo.” Akaenda pakakwirira, pakanga pasina chinhu.

4 Ipapo Mwari akasangana naBharamu, iye akati kwaari, “Ndagadzira atari nomwe, ndikabayira nzombe negondohwe paatari imwe neimwe.”

5 Jehovha akaisa shoko mumuromo waBharamu, akati, “Dzokera kuna Bharaki, utaure kwaari kudai.”

6 Akadzokera kwaari, akamuwana amire pachipiriso chake chinopiswa, iye namachinda ose aMoabhu.

7 Ipapo akataura nomufananidzo wake, akati, “Bharaki akanditora paArami, Mambo waMoabhu akanditora pamakomo okumabvazuva, Achiti, ‘Uya unditukire Jakobho, Uya, unditsamwire Isiraeri.’

8 Ini ndingatuka seiko asina kutukwa naMwari; Ini ndingatsamwira seiko asina kutsamwirwa naJehovha?

9 Nokuti ndinomuona ndiri pamusoro pamatombo, Ndinomutarira ndiri pamusoro pezvikomo; Havangaverengwi pakati pendudzi.

10 Ndianiko angaverenga guruva raJakobho, Kana kuverenga chikamu chechina chaIsiraeri? Kuguma kwangu ngakufanane nokwake!”

11 Zvino Bharaki akati kuna Bharamu, “Wandiiteiko? Ndanokutora kuti utuke vavengi vangu; tarira, waramba uchingovaropafadza.”

12 Akapindura, akati, “Ko handifaniri kuchenjera kuti nditaure zvinoiswa naJehovha mumuromo mangu here?”

13 Bharaki akati kwaari, “Douya hako neni kune imwe nzvimbo, paungavaona uripo; ungangoona vokumudzivo voga, haungavaoni vose; nditukirei ivo uri ipapo.”

14 Zvino akaenda naye kumunda waZofimu, pamusoro pePisiga, akavaka atari nomwe, akabayira nzombe negondohwe paatari imwe neimwe.

15 Akati kuna Bharaki, “Chimira pano pachipiriso chako chinopiswa, ini ndindosangana naJehovha uko.”

16 Ipapo Jehovha akasangana naBharamu, akaisa shoko mumuromo make, akati, “Dzokera kuna Bharaki utaure kudai.”

17 Iye akaenda kwaari, akamuwana amire pachipiriso chake chinopiswa, machinda aMoabhu anaye. Bharaki akati kwaari, “Jehovha wakataureiko?”

18 Ipapo akataura nomufananidzo wake, akati, “Simuka, iwe Bharaki, unzwe; Nditeerere, iwe mwanakomana waZipori:

19 Mwari haazi munhu, Haangarevi nhema; Kunyange Mwanakomana womunhu, Haangashanduki; Chaakataura, haangachiiti kanhi? Chaakataura, haangachisimbisi kanhi?

20 Tarira, ndakarairwa kuti ndiropafadze; Iye wakaropafadza, ini handigoni kuzvishandura.

21 Haana kuona zvakaipa kuna Jakobho; Haana kuona zvakashata kuna Isiraeri; Jehovha Mwari wake anaye, Vanopupurira mambo pakati pavo.

22 Mwari akavabudisa Ijipiti, Ane simba rakafanana nerenyati.

23 Zvirokwazvo hakunaunanga kuna Jakobho, Uye hakuna kuuka kuna Isiraeri; Zvino zvicharehwa pamusoro paJakobho napamusoro paIsiraeri, Zvakaitwa naMwari,

24 Tarirai, vanhu avo vanosimuka seshumbakadzi, Vanosimuka seshumba. Havangavati pasi vasati vadya chakabatwa, Nokunwa ropa rechakaurawa.”

25 Zvino Bharaki akati kuna Bharamu, “Usatongovatuka, kana kutongovaropafadza.”

26 Asi Bharamu akapindura, akati kuna Bharaki, “Handina kukuudza here, ndikati, ‘Zvose zvinotaurwa naJehovha, ndizvo zvandinofanira kuita?’ ”

27 Bharaki akati kuna Bharamu, “Uya zvino, ndiende newe kune imwe nzvimbo; zvimwe Mwari angafara nazvo kuti unditukire ivo, uri ipapo.”

28 Zvino Bharaki akaenda naBharamu pamusoro pePeori, panotarira pasi kurenje.

29 Bharamu akati kuna Bharaki, “Ndivakire pano atari nomwe, undigadzirire pano nzombe nomwe namakondohwe manomwe.”

30 Bharaki akaita sezvakarehwa naBharamu, akabayira nzombe negondohwe paatari imwe neimwe.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies