Numeri 17 - Shona Bible 1949 revised 2002Tsvimbo yaAroni 1 Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, 2 “Taura navana vaIsiraeri, utore kwavari tsvimbo, imwe paimba imwe neimwe yamadzibaba avo, tsvimbo dzine gumi nembiri, pamachinda avo ose nedzimba dzamadzibaba avo; zvino unofanira kunyora zita romumwe nomumwe patsvimbo yake. 3 Asi zita raAroni unofanira kurinyora patsvimbo yaRevhi; nokuti kunofanira kuva netsvimbo imwe yomukuru mumwe nomumwe wedzimba dzamadzibaba avo. 4 Zvino unofanira kudzichengeta mutende rokusangana pamberi peareka yechipupuriro, pandinosangana nemi. 5 Ipapo munhu andichatsaura, tsvimbo yake ichabuka, kuti ndigumise kunyunyuta kwavana vaIsiraeri kwavanokunyunyutira nako.” 6 Zvino Mosesi akataura navana vaIsiraeri, machinda avo ose akamupa tsvimbo, imwe yomuchinda mumwe nomumwe nedzimba dzamadzibaba avo, ndidzo tsvimbo gumi nembiri; netsvimbo yaAroni yakanga iri pakati petsvimbo dzavo. 7 Mosesi akachengeta tsvimbo idzo pamberi paJehovha mutende rechipupuriro. 8 Fume mangwana Mosesi akapinda mutende rechipupuriro, onei tsvimbo yaAroni yeimba yaRevhi yakanga yabuka, yava namabukira, yabudisa maruva, yabereka maamanda akanga aibva. 9 Ipapo Mosesi akabudisa tsvimbo dzose pamberi paJehovha kuvanhu vaIsiraeri vose; vakatarira, mumwe nomumwe akatora tsvimbo yake. 10 Jehovha akati kuna Mosesi, “Dzosera tsvimbo yaAroni pamberi pechipupuriro, ichengetwe chive chiratidzo chavanhu vakandimukira; kuti ugumise kundinyunyutira kwavo, varege kufa.” 11 Mosesi akaita saizvozvo; sezvaakarairwa naJehovha, ndizvo zvaakaita. 12 Vana vaIsiraeri vakataura naMosesi, vakati, “Tarira, tofa, topera, topera tose. 13 Mumwe nomumwe anoswedera, anoswedera kutabhenakeri yaJehovha, anofa; zvino tichafa tose kanhi?” |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe