Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 12 - Shona Bible 1949 revised 2002


Miriami anorohwa namaperembudzi, nokuti iye naAroni vakamukira Mosesi

1 Zvino Miriami naAroni vakapopotera Mosesi nokuda kwomukadzi aiva muKushi, aakanga awana; nokuti akanga awana mukadzi aiva muKushi.

2 Vakati, “Ko Jehovha akataura naMosesi iye oga here? Ko haana kutaura nesuo here?” Jehovha akazvinzwa.

3 Zvino munhu uyu Mosesi akanga ari munhu munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.

4 Jehovha akataura pakarepo naMosesi naAroni naMiriami, akati, “Budai imi vatatu kutende rokusangana.” Ivo vatatu vakabuda.

5 Ipapo Jehovha akaburuka mushongwe yegore, akamira mumukova wetende rokusangana, akadana Aroni naMiriami; ivo vaviri vakabuda.

6 Zvino akati, “Teererai mashoko angu; kana kuno muporofita pakati penyu, ini Jehovha ndichazvizivisa kwaari nechiratidzo, ndichataura naye nokurota hope.

7 Muranda wangu Mosesi haana kudaro; akatendeka paimba yangu yose.

8 Iye ndichataura naye nomuromo, pachena, ndisingatauri namashoko asinganzwisiswi; iye uchaona Jehovha kuti akadini; naizvozvo makaregereiko kutya kupopotera muranda wangu Mosesi?”

9 Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakavamukira, iye akabva.

10 Gore rikabva pamusoro petende rokusangana, onei Miriami ava namaperembudzi, akachena sechando; Aroni akatarira Miriami, onei ava namaperembudzi.

11 Zvino Aroni akati kuna Mosesi, “Haiwa, Ishe wangu, musaisa mhosva yezvivi pamusoro pedu, kunyange takaita hedu noupenzi, tikatadza.

12 Ngaarege kuva somwana wakaberekwa akafa, imwe nyama yake yakaora pakubuda kwake padumbu ramai vake.”

13 Zvino Mosesi akachema kuna Jehovha, akati, “Haiwa Mwari, domuporesai henyu.”

14 Jehovha akati kuna Mosesi, “Dai baba vake vakanga vamupfira mate kuchiso chake, haazaifanira kunyara mazuva manomwe here? Ngaabudiswe kunze kwemisasa mazuva manomwe, agopinzwa pashure.”

15 Ipapo Miriami akabudiswa kunze kwemisasa mazuva manomwe, vanhu vakasafamba, kusvikira Miriami adzoswazve.

16 Shure kwaizvozvo vanhu vakasimuka vakabva Hazeroti, vakandodzika matende avo murenje reParani.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies