Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mika 1 - Shona Bible 1949 revised 2002


Isiraeri naJudha vachaparadzwa nokuda kwezvivi zvavo

1 “Shoko raJehovha, rakauya kuna Mika weMoresheti namazuva aJotamu naAhazi naHezekia, madzimambo aJudha, raakaona pamusoro peSamaria neJerusaremu.

2 “Inzwai imi marudzi avanhu, imi mose; teerera iwe nyika, nezvose zvirimo; Ishe Jehovha ngaakupupurirei, iye Ishe ari mutemberi yake tsvene.

3 Nokuti tarirai, Jehovha anobuda panzvimbo yake, achaburuka nokutsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika.

4 Makomo achanyauka pasi pake, mipata ichapamuka senamo yakaiswa pamoto, semvura inodururwa pamawere.

5 “Zvose izvi zvinoitwa nokuda kwokudarika kwaJakobho, uye nokuda kwezvivi zveimba yaIsiraeri. Kudarika kwaJakobho ndokweiko? Harizi Samaria here? Nzvimbo dzakakwirira dzaJudha ndedzipiko? Harizi Jerusaremu here?

6 Saka Samaria ndichariita somurwi wamabwe musango, senzvimbo dzingasimwa mizambiringa; ndichakandira mabwe aro mumupata, ndichifukunura nheyo dzaro.

7 Mifananidzo yaro yose yakavezwa ichaputswa-putswa, mibairo yaro yose ichapiswa nomoto, uye ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose; nokuti rakazviunganidza izvo uri mubayiro wechifeve, naizvozvi zvichadzokerazve kumubayiro wechifeve.

8 “Nemhaka iyi ndichachema nokuungudza, ndichafamba ndisina nguo ndakashama, ndichaungudza samakava nokurira semhou.

9 Nokuti mavanga aro haadi kupora, nokuti zvasvika kuna Judhawo; zvisvikira pasuo ravanhu vangu, ipo paJerusaremu.

10 “Musazvireva paGati, regai kutongochema; paBheti-re-Afura ndakaumburuka muguruva.

11 Chibva uende, iwe ugere Shafiri, wakashama uchinyara; agere Zaanani haana kubuda kuungudza paBheti-ezeri kuchakutorera pokumira.

12 Nokuti agere Maroti anomirira zvikuru chinhu chakanaka, nokuti zvakaipa zvakaburuka zvichibva kuna Jehovha zvikasvikira kusuo reJerusaremu.

13 Iwe ugere Rakishi, sunga mabhiza pangoro; ndiro rakatanga kuisa mukunda weZioni pazvivi, nokuti kudarika kwaIsiraeri kwakawanikwa mauri.

14 Saka iwe uchapa Moresheti-gati chipo chokuonekana; dzimba dzeAkizibhi dzichava chinhu chinonyengera madzimambo aIsiraeri.

15 “Iwe ugere Maresha, ndichakuuyisira mumwe achakukunda; vakakudzwa vaIsiraeri vachasvika paAdhurami.

16 Zviitire mhazha, veura vhudzi rako pamusoro pavana vaunofarira; kurisa mhazha yako seyegondo, nokuti vakatapwa kure newe.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies