Mapisarema 9 - Shona Bible 1949 revised 2002Dhavhidhi anovonga nokuti Jehovha akamurwira Kumutungamiriri wokuimba; neMutirabheni. Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndichavonga Jehovha nomwoyo wangu wose; Ndichaparidza mabasa enyu ose anoshamisa. 2 Ndichafara nokukufarirai zvikuru; Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusorosoro. 3 Kana vavengi vangu vachidzokera shure, Vanogumburwa nokupera pamberi penyu. 4 Nokuti mandiruramisira mhosva yangu; Makagara pachigaro choushe muchitonga nokururama. 5 Makatuka vahedheni, makaparadza vakaipa, Makadzima zita ravo nokusingaperi-peri. 6 Vavengi vakapera, vakaparadzwa nokusingaperi; Makaparadza maguta avo, Nechiyeudzo chawo chakaparara. 7 Asi Jehovha agere ari mambo nokusingaperi; Akagadzira chigaro chake choushe kuti atonge. 8 Achatonga nyika nokururama, Achatonga vanhu zvakafanira. 9 Jehovha achava nhare yakasimba kuna vanomanikidzwa, Nhare yakasimba panguva yokutambudzika. 10 Vanoziva zita renyu vachavimba nemi; Nokuti imi Jehovha hamuna kurasha vanokutsvakai. 11 Imbirai Jehovha nziyo dzokumurumbidza, iye agere paZioni; dudzirai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu. 12 Nokuti iye, anotsiva ropa, anovarangarira; Haakanganwi kuchema kwavarombo. 13 Ndinzwirei tsitsi, Jehovha; Tarirai, kumanikidzwa kwangu navanondivenga, Imi munondisimudza pamisuo yorufu; 14 Kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu kwose; Pamisuo yomukunda weZioni, Ndichafarira kuponesa kwenyu. 15 Vahedheni vakanyura mugomba ravakachera; Rutsoka rwavo rwakabatwa mumumbure, wavakavanza. 16 Jehovha wakazvizivisa, akatonga; Akaipa wakateyiwa nebasa ramaoko ake. 17 Vakaipa vachadzokera kuSheori, Ivo vahedheni vose, vakakanganwa Mwari. 18 Nokuti anoshaiwa haangakanganikwi nokusingaperi, Nokutarira kwomurombo hakungaperi nokusingaperi. 19 Simukai Jehovha; munhu ngaarege kukunda; Vahedheni ngavatongwe pamberi penyu. 20 Chivatyisai, Jehovha; Vahedheni ngavazive kuti vanongova vanhu. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe