Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 8 - Shona Bible 1949 revised 2002


Kukudzwa kwomunhu naJehovha
Kumutungamiriri wokuimba; neGititi. Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, Ishe wedu, Zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Makaisa umambo hwenyu kudenga.

2 Pamiromo yavacheche navanomwa makaisa simba, Nokuda kwavadzivisi venyu, Kuti munyaradze muvengi nomutsivi.

3 Kana ndichicherekedza denga renyu rose, iro basa reminwe yenyu, Mwedzi nenyeredzi zvamakarongedza;

4 Munhu chinyiko, zvamunomufunga? NoMwanakomana womunhu zvamunomushanyira?

5 Nokuti makamuita muduku zvishoma kuna Mwari, Makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.

6 Makamubatisa ushe hwamabasa amaoko enyu; Makaisa zvose pasi petsoka dzake.

7 Makwai ose nenzombe, Nemhuka dzesango;

8 Neshiri dzokudenga, nehove dzegungwa, Izvo zvose zvinofamba nenzira dzegungwa.

9 Haiwa Jehovha, Ishe wedu, Zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies