Mapisarema 6 - Shona Bible 1949 revised 2002Dhavhidhi anochema zvivi zvake Kumutungamiriri wenziyo; nemitengeranwa, namanzwi avarume. Pisarema raDhavhidhi. 1 Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu, Musandirova nokusafara kwenyu kukuru. 2 Ndinzwirei nyasha, Jehovha; nokuti ndaonda; Ndiporesei, Jehovha; nokuti mapfupa angu anotambudzika. 3 Mweya wangu unotambudzikawo zvikuru; Asi imi Jehovha, muchanonoka kusvikira riniko? 4 Dzokai Jehovha, murwire mweya wangu; Ndiponesei nokuda kwounyoro hwenyu. 5 Nokuti parufu hapana achakurangarirai; Ndiani achakuvongai paSheori? 6 Ndaneta nokugomba kwangu; Usiku humwe nohumwe ndinoshambirisa nhoo dzangu; Ndinonyorodza mubhedha wangu nemisodzi yangu. 7 Ziso rangu rapera nokuchema, Rinosakara nokuda kwavadzivisi vangu. 8 Ibvai kwandiri, imi vabati vose vezvakaipa; Nokuti Jehovha akanzwa izwi rokuchema kwangu. 9 Jehovha akanzwa kukumbira kwangu; Jehovha achagamuchira munyengetero wangu. 10 Vavengi vangu vose vachanyadzwa nokutambudzika zvikuru; Vachadzoka, vachanyadzwa pakarepo. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe